Svetuka kuchirochemo

Nhambwe

Kubva Wikipedia
(runangakatsva kubva kuRuhweva)

Nhambwe (Distance) izwi rinotsanangudza kuti nzvimbo iri kure zvakadii kubva kune imwe. Nhambwe inopimwa nechiyero chinonzi mita - (metre).

Mazwi anodudza nhambwe

[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Hurefu (length) - shoko iri rinoreva kureba kwenzvimbo kana ichipimwa. Kana tiri kuMasvomho, hurefu hunoshandiswa kududza divi rakanyanya kureba kudarika mamwe.

Hwasha (width) - shoko iri rinoreva kupamhama kwenzvimbo kana ichipimwa

Hudzamu (depth) - shoko rinoreva kudzika kwenzvimbo kana ichipimwa. Shoko iri rinoshandiswa kududza kupimwa kwenhambwe zvichitevedza rudzivo rwekudzika pasi.

Hukwidza (height, altitude) - iri shoko rinonyanya kushandiswa kududza kupimwa kwenhambwe zvichitevedza rudzivo rwekuenda mudenga. Somuenzaniso tingataura hukwidza hwendenge iri kubhururuka kana chivakwa chemudurikidzanwa. Mukutaura kwamazuva ose tinoti chinhu chiri pakakwirira kana pakaderera, muzvidzidzo zveScience zvakafanira kuti titaure pamusoro pehukwidza.

Mipimo yose yataurwa pamusoro inoshandisha chiyero chenhambwe chinonzi mita (metre).

Kurerutsa Mutauro

[chinjirudza | chinjirudza mabviro]
  • Chinharo kana chinhambo (fairly short distance).
  • Mhokore kana teveteve (Place distant in time or space from where one is) apa kureva nzvimbo iri kure nepamunogara. Anogara kumhokore uko: he lives far from here.
  • Mufambo (A walking distance).
  • Ruhweva (long distance) apa kureva nhambwe yakareba, iri kurefu, kure.
  • Kutsenura (to displace, shove, pass).
  • Padyo, pedyo kana pasinde (near or close).

Mitauro yeBantu

[chinjirudza | chinjirudza mabviro]