Kuuzuru

From Wikipedia
Jump to navigation Jump to search

Kuuzuru zvinoreva (above, upwards) kudenga kana kumusoro zvichibva pagerwe neaari kutaura wacho.

Kurerutsa Mutauro[chinja | edit source]

  • Kumusoro (atop; at the top; above) kureva kudenga.
  • Kuuzuru kwemba kwaiva nomureza
  • Muimbi akaimba achiti Mwari muri zuva redu rinopenya pauzuru.

Kuumba Mutauro[chinja | edit source]

  • Kune izwi rokuti kutura (to put down, to deposit) rinoreva kuisa pasi.
  • Ko izwi rokuti kuzuruka (to go upwards) ririko here?

Mitauro yeBantu[chinja | edit source]

  • VaLenje vanoti kujulu kana mujulu (at the top; up; above, on high; over; aloft) kureva padenga kana kudenga.
  • VaGiryama vanoti dzulu (above, aloft) kureva padenga kana kudenga.
  • Vatauri vaUmbundu vanoti tuluka (descend) kureva kuturuka.
  • VaHerero vanoti kombanda (above, aloft, upon, over) kureva padenga kana pauzuru. Sokuti eyuva ri ri kombanda yetu - zuva iri pamusoro pedu.
  • VaHerero vanoti kombanda (on the top, on the covering, surface, upper part) kureva padenga kana pauzuru. Sokuti kombanda y'ondyuo - pamusoro pemba.