Egypt
Egypt Arab Republic of Egypt | |||
![]() | |||
| |||
Mitauro yekuMatare: | Chiarabhu | ||
Guta Guru: | Cairo | ||
Nharaunda: | 1.002.450 km² | ||
Hugari hweVanhu: | 79.089.650 (2009) | ||
I TLD: | .eg |
Ijipita (ku Chingezi: egypt, Chiarabhu: مصر (Misri) inyika yeziwumbe reAfurika yakagadzwa kuMawodzanyemba-Mabvazuva eziwumbe, uyezve panzvimbo yayiri ndipo panosangana ziwumbe reAfurika neziwumbe reEzhiya. Nyika iyi inozivikanwa nematumba akavigwa madzimambo vainzi vana Pharaoh muBhaibheri.
Ijipita ine huwandu hweVanhu 100 miriyoni, uye guta huru rayo rinonzi Cairo (Kairo kana richinyorwa muChishona). Kairo nderimwe guta guru pasirose (rine huwandu hwevanhu hwunodarika 9 miriyoni).
Inyika inozivikanwa nekuda kwenhoroondo yakakura pasirorse.
Zita[chinja | edit source]
- Zita reIjipita muChishona rinokopera zita rayo reChingezi rekuti egypt, richisiyana nesira rayo muChiarabhu rekuti مصر (Misri). Izita kuru, rinotowanikwa muBhaibheri reChihebheru futi, panodanwa Ijipita kunzi Mitzrayim (מִצְרַיִם, zvichireva kuti Ijipita yekumusoro neIjipita yekuzasi). Zita racho rinoreva kuti "nyika".
- Muera reChinyakare cheIjipita nyika yainzi Km.t (Kemet) nevagari vepo zvichireva kuti 'nyika tema", nekuda kwevhu ri "tema" remupata werwizi reNairu (Nile), kusiyana neivhu tsvuku regwenga.
- Zita reChingezi rekuti "Egypt" (nge.), "Egypte" (fur.) "Ägypten" (Jer.) akabva kuzita reChigiriki Αίγυπτος ( aigyptos). Hapana certainity chaiyo yekutanga kwechirevo cheshoko racho. Vamwe vanotenda kuti zita racho rinobva kutembere yeMemphis (temple yeMemphis). Iri ishoko zvakare mabviro ezita rekuti "Copts" uye ndomaidanirwo aiitwa maIjipita panguva yekutonga kwehumambo hweRoma. Yaidanwa kunzi, 'Hwt-Ka-Ptah' ("Mansion yeShavi yaPtah" -> Mansion of the Spirit of Ptah).
Taranyika[chinja | edit source]
Ijipiti yakaganhwa pedyo nebhahari kusvika kuMedhiteraniya, Izirayeru, zoni remukondo yeParestini, Gofo reSuez, Gofo reAqaba, Bhahari tsvuku, Sudhani ne Ribhiya. Chiwumbiko chenyoka yakaita kakufanana negonyoina sambambiri (trapeze).