Svetuka kuchirochemo

Y

Kubva Wikipedia
Mabhii eChiratini (semuChishona)
Aa Bb Bh Cc Ch Dd
Dh Ee Ff Gg Hh Ii Jj
Kk Ll Mm Nn Oo Pp Qq
Rr Rh Ss Tt Uu V Vh
Ww Xx Yy Zz
Mabhii arimuraya ra /y/
Yh
Mabhiihwaro eChishona
A E I O U
B Bh Bv Bzv Bg
P Ph Pf Psv Pẋ/Pkġ
J C D Dh Dhl
Ch X Q[N 1] T Thl
Dy Dz Dzv Dv F
Ty Ts Tsv Tv Vh
W H G Kl[1] Y
V Ẋ/Kġ K Kr[2] N'
M Mb Mv Mn' Ny
N - - Nyn' -
Nj Nd Ndhl Ng Ns
Nzv Nth Nthl Nkh Nz
Nc[N 2] Nx[N 3] Nq[N 4] Gc[N 5] Gq[N 6]
N'c[N 7] N'x[N 8] N'q[N 9] Gx[N 10] Qx[N 11]
L S Sh Sk Sp
R Z Zh - -
St Sv Svc Hl
- Zv Zvc Tẋ/Tkġ

Y (bhii ra Yi; pachidoko "y") ibhii reChiratini rinowanikwa mumabumbiro emabhi mazhinji pasirose, zvichisanganisa Chishona. Mumimwe mitauro bhii ra Y, rinoverengerwa sechinzvovera. KuChishona, bhii ra Y chinzvanyira chakazvimirira, kureva ibhiihwaro[C 1] rinozoshandiswa kuvumba mamwe matarabhi[C 2].

Mashandisirwo a-Y

[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

tarisai futi Chishona, uye Bumbiro reMabhii eChishona

Chinzvanyira cha Y chinoshandiswa pamashoko akawanda kuChishona, uye chinowanikwa mumazita futi zve. Rinowanikwa se bhiidurika rinoshandiswa zvose ne tarabhii.

Mukushandiswa setarabhii, [Y-], anoshandiswa kusika tarabhii ra [Yh-].

Mukushandiswa sebhiidurika, [-y] anowedzerwa pamamwe mashoko kuvumba zvimwe zvitarabhii zvekuwedzera.

Mabhiihwaro anotevera anowedzerwa [ -y]: J- (Jy), Dh- (Dhy), Th- (Thy), H- (Hy), G- (Gy), K- (Ky), N'- (N'y), Nj- (Njy), Nd- (Ndy), R- (Ry). Mabhiihwaro aya anoshanduka kunzwiwa kwawo nokuwedzera [Y- ], semuenzaniso, Ha- anonzwika sa [Hi-ya]. Panowedzerwa [Y-], panogona kunyorwa nezvinzovera futi, [Y-] ndi [-ia, -ii, -ie, -io, -iu-].

Zvinzvanyira zvakazvimirira zvinoti pakunyorwa nebumbiro remabhii eChiratini zvinoshandisa bhii ra [Y] ndi: Ty, Dy, Ny, Nyn'. Zvinzvanyira izvi hazvirongedzwe sematarabhii kana mabhiidurika kuChishona, nekuti mabhihwaro anoshandiswa kusika mamwe, haasi ekusikwa iwo, kuiswa ka Y- hakushanduri manzwirwo awo, kungori kunyorwa kwawo. Pamusoro pezvo, kunzwika kwawo hakudinge [Y-], semuenzaniso Ty- haana kusikwa nokusanga T- na Y-, zvinzvanyira izvi hazvitombonzwikwe muruzha rwa [Ty-]. Asi muna Thy-, [Th- na Y-], zvinonzwika, ndizvofuti pana Gy- [G- na Y-].

  1. ↑ base letter., base consonant., kureva bhiihwaro
  2. ↑ digraph., kureva tarabhii

Mabviro eruzivo

[chinjirudza | chinjirudza mabviro]
  1. ↑ Q ibhii rekudzvanya rinowanikwa uye rinoshandiswa muChindau., ndiwo wega mutauro weChivanhu unozivikanwa uchishandisa Q parizvino.
  2. ↑ Nc ibhii rekudzvanya rinowanikwa uye rinoshandiswa muChindau., ndiwo wega mutauro weChivanhu unozivikanwa uchishandisa Nc parizvino.
  3. ↑ Nx ibhii rekudzvanya rinowanikwa uye rinoshandiswa muChindau., ndiwo wega mutauro weChivanhu unozivikanwa uchishandisa Nx parizvino.
  4. ↑ Nq ibhii rekudzvanya rinowanikwa uye rinoshandiswa muChindau., ndiwo wega mutauro weChivanhu unozivikanwa uchishandisa Nq parizvino.
  5. ↑ Gc ibhii rekudzvanya rinowanikwa uye rinoshandiswa muChindau., ndiwo wega mutauro weChivanhu unozivikanwa uchishandisa Gc parizvino.
  6. ↑ Gq ibhii rekudzvanya rinowanikwa uye rinoshandiswa muChindau., ndiwo wega mutauro weChivanhu unozivikanwa uchishandisa Gq parizvino.
  7. ↑ N'c (rinowanikwa kuChinguni sa Ngc) ibhii rekudzvanya rinowanikwa uye rinoshandiswa muChindau., ndiwo wega mutauro weChivanhu unozivikanwa uchishandisa N'c parizvino.
  8. ↑ N'x (rinowanikwa kuChinguni saNgx) ibhii rekudzvanya rinowanikwa uye rinoshandiswa muChindau., ndiwo wega mutauro weChivanhu unozivikanwa uchishandisa N'x parizvino.
  9. ↑ N'q (rinowanikwa kuChinguni saNgq) ibhii rekudzvanya rinowanikwa uye rinoshandiswa muChindau., ndiwo wega mutauro weChivanhu unozivikanwa uchishandisa N'q parizvino.
  10. ↑ Gx ibhii rekudzvanya rinowanikwa uye rinoshandiswa muChindau., ndiwo wega mutauro weChivanhu unozivikanwa uchishandisa Gx parizvino.
  11. ↑ Qx ibhii rekudzvanya rinowanikwa uye rinoshandiswa muChindau., ndiwo wega mutauro weChivanhu unozivikanwa uchishandisa Qx parizvino.
  1. ↑ Kl, rakatorwa kubva kuChingezi, rinowanikwa mumashoko ekutorazve.
  2. ↑ Kr, ibhii rakatorwa kubva kuChingezi., rinowanikwa mumashoko ekutorazve, senge Kristu.