Yeuka

From Wikipedia
Jump to navigation Jump to search

Shoko rokuti yeuka (remember) rinoreva kurangarira chiitiko kana chinhu chakaitika kana chawakaona kare. Vamwe vatauri vanoti kuchechuka, kana kutondera.

Kukarakadza (to remember) izwi reChiNdau rinoreva kuyeuka kana kurangarira. Karakadzai izita remhuri.

Kurerutsa Mutauro[chinja | edit source]

  • Uchiri kuyeuka gore riya takarara paDohwa kwaRusape, bhazi rafa pamugwagwa.
  • Ndinoda kukuchechudza kuti mari yangu hausati wandidzorera.
  • Kuyeuka bako waniwa nemvura - zvinoreva kuzorangarira zano raikwanisa kubatsira apo watosangana nenjodzi kare.
  • Psalm 137:7, Karakadza, Mambo Mwari, kurwa nevaEdhomu ngezuva rokuwa kweJerusarema: Remember, Lord, what the Edomites did on the day Jerusalem fell. (Bhaibheri reChiNdau.

Mazwi eBantu[chinja | edit source]

  • VaSwahili vanoti kumbuka (remember, recognize, call to/bear in mind) zvichireva kuyeuka.
  • VaSwahili vanoti kumbuko (1. memory, rememberance, recollection, 2. reflection, consideration, thought) zvichireva kuyeuka.
  • VaSwahili vanoti kumbusha (1. memory, recollection, 2. momento, souvenir, 3. memorial, monument, statue) zvichireva chiyeuchidzo.
  • Vatauri veYao vanoti chikumbukumbu (n. memory).
  • Vatauri veKizigua vanoti kukumbuka (remember; rembering) kureva kuyeuka.
  • Vatauri veKizigua vanoti kukumbukwa (to be remembered) kureva kuyeukwa.