Hondo

Kubva Wikipedia
hondo ye Vashangani

Hondo (Chingezi: War) inguva yokunge vanhu vachirwisana nezvombo vachikuvadzana nokuurayana. Hondo inoitwa yashevedzerwa vanhu vatadza kuwirirana kana kuti rimwe divi raita chindini, humbimbindoga hwokuda kufurusa nokutapa nzvimbo dzevamwe. Hondo inowanza kupera nekutaurirana, kukurirwa kwerimwe divi uye kunyoreranwa zvisungo pasi nemativi ose zvekupedza hondo

Zvinangwa zvehondo[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  • Mbambara (Spoils of war) - kare hondo dzairwirwa kupamba mbambara kana kuti mhimbiri. Kana nanhasi hondo dzichiri kurwirwa kupamba asi imwe nguva zvichititwa nenzira dzakavandika. Dzimwe nyika dzine chinangwa chekupamba vanoita baradzira rokuti vanoda kunatsa hutongi huri munyika yavari kunorwisa asi kuri kuyedza kubata vanhu kumeso. Chinangwa chavo chaicho kunenge kuri kuda kupamba zviwanikwa zvenyika iyi kana kuwana chouviri kubva munyika inenge yakurirwa pakurwa hondo. Ndipo paya panoonekwa hunyengeri hunoti nyika dzine zviwanikwa ndidzo dzavanohwndira asi imwe nyika ine godzongi romutungamiri haitombopumhwi kana isina chouviri chingawanikwa nevapambi ava. Saka kana nanzvino mbambara dzichiri kurwirwa hondo.

Mhando dze hondo[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Makovore (battle) zvinotaura hondo mukati mehondo.

  • Chimurenga kana murenga (rebellion).
  • Marwiro (battle-field) zvinotaura nzvimbo yacho yakarwirwa hondo.
  • Gona, magona kana gonera (Rocky fastness) inzvimbo ine matombo inonetsa kusvika kuti mawuto arwise nzvimbo iyoyo.
  • Nhungamiri (advance guard) apa kureva boka remawuto vakatungamiri kunorwa hondo.
  • Kurozva kana kutova? (iobliterate) zvichireva kuparadza zvachose, zvinotauwa pamusoro pekuparadza rudzi rwevanhu kana muvengi.
  • Mhandu kana bandu (hostile person, enemy, person of a disordered mind) zvichireva muvengi kana mudzivisi.
  • Dzembetembwe (warrior reluctant to fight). Kana vawanda tori madzembetembwe.
  • Kukomba (besiege) zvichireva kukombera kana komberedza musha uri kurwiswa.

Zvimwe Zvinyorwa[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Mamwe Mazwi[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  • Chitsvuku kana chishava (Occurrence in which blood is shed) apa kureva chitiko chinosanganisira kudeuka kweropa.
  • Kuhwatama (Lie prone - hiding or stalking).
  • Kutapa (kidnap, capture person) zvichireva kubata muvengi panguva yehondo achiitwa nhapwa.
  • Kupamba (to take by force).
  • Mupambwa (one who is taken by force).
  • Kureya (to avoid; dodge especially dodging a missile; dodge with head)
  • Kureyana (to miss one another; to dodge one another). Mareya izita remhuri.
  • Kutsedukira kana kurenga (dodge with body).

Kurerutsa Mutauro[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  • Musati idumba, zveshe zvavanozoronza vanhu ava kuti idumba; musatya zvevanotya, nokuti kukaruka: Don’t regard as alliance what this people calls alliance, and don’t fear what they fear or be awestruck by it. (Isaiah 8:12, Bhaibheri reChiNdau).
  • Asi vanozojatira padera pevaFiristia ngokumabirirazuva; pamwepo vanozovachakata vanhu vokumabvazuva: But they will swoop down on the slopes of Philistia to the west; together they will plunder the people to the east. (Isaiah 11:14, Bhaibheri reChiNdau).

Mazita[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Mitauro ye Chibhantu[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  • VaNyungwe vanoti nkhondo kureva hondo. VaBemba vanoti nkondo kureva hondo. VaGungu vanoti kutara (n. wage war).
  • Barotse vanoti malwelo (battle field) kureva nzvimbo yekurwira hondo. VaYao vanoti mtambo (a battle-field). VaZigula vanoti mkondo (n. an adversary).
  • VaKikuyu vanoti makwatano (alliance). VaTaita vanoti uta (war) vachireva hondo. Mamwe mazwi: kokwata (adhesion). VaBukusu vanoti khuureenga (to become unruly).
  • Mang'anja vanoti chipomera kana chipomere (a war-cry; war cry; noise of a multitude). VaTaita vanoti kondo (n. strife, uproar, disturbance, enemity).
  • Kinande vanoti eriholana (v. calm down). Mamwe mazwi: ulinde mupáka olúhi luholánê (v. wait until the war subsides) kureva mira kusvikira hondo yapora.