Chouviri

Kubva Wikipedia

Mazwi anoti chouviri kana uviri riri kushandiswa pano kutaura zviwanikwa zvakadai sendarama, ngoda, nzizi, michero zvirimo munyika zvekuti vanhu vanokwanisa kukohwa kubva pazviri vachishandisa - apa kureva chinonzi resources muChirungu. Nekumwe kutaura tinokwanisa kuti zviwanikwa. Nokumwe kutaura shoko rokuti chouviri rinoshanda kuturikira panoda kunzi resources - apa chouviri chiri chiro chinobatsira munhu kugona kuzviraramisa achiwana kudya, mbatya neimba yekugara.

Izwi rokuti kuvirika kana kuirika rinoreva kuwedzera pane zvisina kuzara kuti zvisvike pakuzara. Mwero uyu wezvinhu zvinowedzerwa kusvika pakuzara unonzi mhiriko. Chouviri zvinoreva chiro chiripo chokuti munhu anopota achinokora, kutanha, kana kuwana mamwe mabatiro nacho kuti ararame. Izwi rokuti mhirimo rinoshandiswa kureva hari inotakurirwa doro kubva pamabiko panga pane doro zhinji. Aya ndiwo mashandiro echinonzi resource, chinenge chiri chiro chinokwanisika kunoshandiswa kumwe. Nokudaro mazwi anotodzana aya anenge ndiwo akafanira kuturikira chinonzi resource kuEnglish.

  • Mbirimi (Resourceful or Industrious person)

Kurerutsa Mutauro[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Nyika yeZimbabwe yakashongedzwa (is resourced) nemhirimo zhinji dzinosanganisira: ngoda; platinum; marasha; nzizi; mapopoma; ivhu rekurima; mhuka dzesango zvichingodaro.

  • Kuti basa riri pagutse rino rifambe zvakanaka, vanyori vanofanirwa kushongedzwa zvakakwana, vaine: ruzivo rwemutauro weChiShona; vaine duramazwi uye kugona kushanda paWikipidhiya.
  • Mushandirwi anofanirwa kupa vashandi vake chouviri chinosanganisira: zvombo nemidziyo yebasa; humhizha hwebasa; uye ruzivo rwenjodzi dziri pabasa iri. Pakuturikira toti An employer must resource his employees with work tools and equipment, work skills and training on the hazards of the job.
  • Kazhinji zviri nani kuwanisa munhukadzi chouviri nokuti vanhukadzi vazhinji vane moyo wekubatsira mhuri yose iri pamusha.

Mitauro yeBantu[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  • VaMambwe vanoti wila (it is my property). Mamwe mazwi: wila sile (gratuitously, freely, without claim, pay or reward).
  • VaLenje vanoti wila, wuwili, mawili (have riches, possessions or property e.g. cattle, houses, farm land, mines etc) vachireva chouviri.
  • VaZigula vanoti uwili (the work of a labourer). VaLenje vanoti wuwoni; mawoni (property, goods, possessions) vachireva pfuma.
  • Barotse vanoti buswa (1. wealth, property, state; 2. inheritance, portion) vachireva pfuma kana nhaka. VaHerero vanoti oru-hupo (resource).
  • Kimbundu inoti kibiri (n. need; nessecity; requirement).