Zvombo
Zvombo (Weapons) zvinhu zvakagadzirirwa kushandiswa kuuraya panguva yokunge vanhu vachirwa hondo. Kune mhando dzezvombo dzakasiyana dzinosanganisira: pfumo; uta, museve; pfuti, bhomba; zvombo zvinechefu; nezvombo zve"nuclear".
Kuomba, Kushanda[chinjirudza | chinjirudza mabviro]
Mitauro yeBantu inonzi Chewa, Lungu neMambwe ine izwi rokuti kuomba rinoreva kushanda. Zvichida izwi rokuti chombo rakapfupiswa kubva pana chi-ombo - uye rinotodzana nokuti ku-omba?
- VaChewa vanoti kuomba (to fashion, to form, to manufacture) kureva kuumba. VaLungu vanoti ukuoomba (to work) kureva kushanda.
- VaMambwe vanoti -omba kana -womba (to work) kureva kushanda. VaMambwe vanoti (a useful implement, tool) kureva chombo chebasa.
- VaDigo vanoti chombo (container, bowl, piece of equipment, thing). VaSwahili vanoti chombo (utensil) kureva chombo chikudyisa.
- VaZigula vanoti mata (weapons of war). VaZigula vanoti chombo kana vyombo (n. tool; utensil; vessel; ship) kureva chombo