Motsi

From Wikipedia
(Redirected from 1)
Jump to navigation Jump to search
1

Motsi bodzi kana kuti Chiposhi kana kuti Chimwe iri ivara rehuwandu, chiperengo chehuwandu, uyewo izita rechiperengo chinomirira huwandu uhu. Chinomirira huwandu hwechinhu chimwe chete. Motsi kana kuti chiposhi zvinorevawo pfungwa yokuva chikamu chimwe kubva muhumwe hunobva mumubatanidzwa hwezvinhu. So muenzaniso, chidimbu chemutsara chakareba nechikamu chimwe chehubatanidzwa hwehurebu (chezvikamu zvehurebu).

Muzvidzidzo zveMasvomhu, chiperengo chehuwandu ichi chinomirirawo zvinotevera:

  • Pachinyakare, ichi chiperengo chohuwandu (ordinal number) chokutanga, kunyangwe zvazvo mazuvano maitiro anogamuchirwa noruzhinji ndeokushandisa chiperengo chehuwandu chinomirira kusavapo kwezvinhu, 0, saicho chiperengo chokutanga.

Kurerutsa Mutauro[chinja | edit source]

  • Pazuva rechimotsi vana vechikoro vanoratidzwa dzimba dzekugara.
  • Nhangande zvinoreva chinhu chimwe chiri chenga, ringava shizha kana vhudzi kana dombo.
  • -dzamuka (Be, or be able to be, removed in one piece - e.g. sadza, clay, mamera manyoro).
  • Kudzamura (Take nearly all - especially loose objects). Zvichireva kukarura kana kusimura.
  • Marwi (single action with two effects).

Zviri Mberi[chinja | edit source]

Chivakashure cheEnglish chinoti proto chingaturikirwa sei? Proto zvinoreva first, foremost, earliest form of

Prototype rinokwanisa kunzi mhando yechiposhi kana mhando yechimotsi kana motsi wemhando. Zvichida pane kutodzana pamazwi anoti: posi, poshi, bodzi, mhodzi, bodzwa, chibodzwa kana mbodzwa?

Mitauro yeBantu[chinja | edit source]

  • VaChewa vanoti kamodzi (once) kureva munhu kuita kana kuverengwa kwechinhu kamwe. VaKongo vanoti moxi (n. one). Mururimi rweUmbundu vanoti mose kana mamwe (one).
  • VaRwanda neVaGiryama vanoti mbere (first, beginner) vachireva chekutanga, wekutanga, rekutanga etc. VaRwanda vanoti imbere (forward) vachireva mberi.
  • VaGiryama vanoti (w)akwandza (first, beginner) vachireva wekutanga. VaZigula neVaGiryama vanoti umwenga (n. Oneness; unity; union; singular).
  • VaNgala vanoti yambo (first, before, in front).
  • VaDigo neVaGiryama vanoti mwenga (one) vachireva mumwe. Sokuti mutu m-mwenga kureva munhu mumwe.