Nzira

Kubva Wikipedia
(runangakatsva kubva kuMupuyuwuyu (nzira))

Nzira (Nge. road, path) kana zhira, zvinoreva mukana unofambwa ungava unoshandiswa nemhuka kana vanhu. Vamwe vatauri kuchiManyika inoti gwanza.

Mamwe mashoko anotaura nzira[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  • Kondo (game path) apa zvichireva gwara rinofambwa nemhuka. Zvichida ndipo panobva zita rokuti Mukondo.
  • Mugwagwa mugwanyo muvha kana muva (Rhodhi). KuChiNdau inoti pato.
  • Gwara, (faint game path) zvinoreva nzira inoshandiswa nemhuka.
  • Mutome, dome kana mudome (1. Aside; 2. Path astray; 3. Side of the path) zvichireva nzira inorasisa.
  • Gwanza kana magwanza (trail; path through trees) inzira inopinda nepakati pemiti musango.
  • Muhure zvinoreva nzira yakaitwa nevanhu nechinangwa chekuteya mhuka kana shiri.
  • Mukoto (worn path; narrow path between buildings) inzira yetsoka.
  • Mushwaira, mukwaira kana muhwayira (a narrow path, a track through grass). Mukwaira izita remhuri.
  • Gumbu, makumbu kana mupuyuwuyu (broad much frequented path) inzira pamhi iri yetsoka inoshandiswa zvakanyanya. Mamwe maDuramazwi anoturikira kuti highway.
  • -dzemberedza (1. Stand in one's way and cause to take a detour, 2. Place one in a dilemma).
  • Mwanza kana mwazha (trail made by livestock in the forest). Mwazha izita remhuri.
  • Nonda (ideophone of following closely in pursuit, of following path without detouring). Akati nenzira nonda.

Kurerutsa Mutauro[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  • Dendere kana bangwa (idea of following - especially a path). Iti nzira bangwa.
  • Akaenda dome: he got lost.
  • Famba nomudome: walk on the side of the path.
  • Wareva padome: you missed the whole point.
  • Kupfumba kana kupfumbira (to be clear, to be distinct).
  • Ngeiro zuva pato rinozoapo rinobva Egipite kuenda Asiria: On that day, there will be a highway from Egypt to Assyria. (Isaiah 19:23, Bhaibheri reChiNdau).

Tsumo[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  • Panoda mwoyo nzira haisviki. Where the heart wants (to go) the path does not reach.
  • Apo mwoyo ungoda gwanza harisviki. Where the heart wants to go the path does not reach
  • Nzira masanga. (Getting onto) a path is sheer chance.
  • Nzira inofamba yomuzvinamimba yomuzvere haifambi. The journey of a pregnant woman is quicker than that of a woman with a child.
  • Nzira haidzimiri munhu. A path does not disappear before one.

Mitauro yeAfrika[chinjirudza | chinjirudza mabviro]