Muramba

Kubva Wikipedia

Muramba (cat-fish) ihove isina makwati ine ruvara rutema yakada funana nezunguzurwa iine musoro bhangu. Hove inozivikanwa nezita rekuti Cat fish pachirungu uye inowanikwa mumapoka akasiyana siyana kusanganisira mhando dzinoti hono nefifinha.

Mamwe Mazita[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Mitauro yeBantu[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  • Chewa inoti mlamba (a cat-fish - large thick species of fish with big head, big mouth and no scales) kureva muramba.
  • VaMambwe neVaBemba vanoti muta (n. a catfish) kureva muramba. Kimbundu vanoti ponde (n. catfish).
  • VaShambala vanoti bangu (wide) vachireva bhangu kana kupamhama. Sokuti: shila ya bangu (a wide road) kureva nzira yakafara.
  • Lela vanoti làbà (n. catfish) kureva muramba.