Svetuka kuchirochemo

Kirundi

Kubva Wikipedia
(runangakatsva kubva kuVaRundi)

Kirundi, mutauro unowanikwa kuBurundi uri muboka remitauro yeBantu. Kirundi rurimi rwezvizvarwa zveVaHutu asi runotaurwawo neVaTutsi, VaTwa neVaHima.

Mazwi Anotodzana

[chinjirudza | chinjirudza mabviro]
  • Nyama (meat) ndizvo zvimwechete kuKirundi neShona.
  • Kirundi inoti imvubu (hippo); VaShona vanoti mvuu.
  • Kirundi inoti imvura (rain); VaShona vanoti kunaya kwemvura.
  • Kirundi inoti impinguro (answers; redoing unsatisfactory job); VaShona vanoti kupingura.
  • Kirundi inoti urupfu (death); VaShona vanoti rufu.
  • Kirundi inoti gupfukama (to kneel); VaShona vanoti kupfugama.
  • Kirundi inoti ingwe (leopard); VaShona vanoti ingwe.
  • Kirundi inoti uruzi (stream, river); VaShona vanoti rwizi.
  • Kirundi inoti gupfa (to die); VaShona vanoti kufa.
  • Kirundi inoti umupira (rubber); VaShona vanoti mupira.
  • Kirundi inoti ijwi (voice); VaShona vanoti izwi.
  • Kurindira (to wait for, expect) ndizvo zvimwechete kuKirundu nekuShona.
  • Mururimi rweKirundu vanoti Kuringanira (to be even ,equal, flat) kuShona vanoti kuringana.
  • Muramu (Sister-in-law of man; Brother-in-law of woman) ndizvo zvimwechete kuKirundu nekuShona.
  • Kurera (to train, rear child) ndizvo zvimwechete kuKirundu nekuShona.
  • Kirundi inoti uburiri (bed, sleeping place); VaShona vanoti uriri.
  • Kirundi inoti gukama (to milk); VaShona vanoti kukama.
  • Kirundi inoti ikanzu (dress, robe, gown); VaShona vanoti hanzu.
  • Kirundi inoti ikara (coals); VaShona vanoti makara.
  • Kirundi inoti umuswa (white ants); VaShona vanoti mutswa.
  • Kirundi inoti inkombe (shore, bank); VaShona vanoti gombe kana hombekombe.
  • Kirundi inoti musi (under); Shona vanoti kutsi.
  • Kirundi inoti tandatu (six); VaShona vanoti tanhatu kana nhanhatu.
  • Kirundi inoti tanu (five); VaShona vanoti shanu.
  • Kirundi inoti umuti (medicine, any mixed preparation); VaShona vanoti muti.
  • Kirundi inoti nyina (his, her, their mother); VaShona vanoti nyina.
  • Kirundi inoti kwonda (to get thin); VaShona vanoti kuwonda.
  • Kurwara (to be sick, ill) ndizvo zvimwechete kuKirundu nekuShona.
  • Rwose (entire, complete, very much) ndizvo zvimwechete kuKirundu nekuShona.
  • Mururimi rweKirundu vanoti umusoza (rower, oarsmen). Zvichida izwi iri rinotodzana nezita reShona rinonzi Musonza?
  • Kirundi inoti isi (world, earth); Lugwere vanoti chisi (region, country). VaShona vanoti chisi kureva zuva rinoereswa kushanda.
  • Kirundi inoti umwuzukuru (grandchild, grandson, granddaughter); VaShona vanoti muzukuru.
  • Kirundi inoti umwuzukuruza (descendant); VaShona vanoti muzukuru.
  • Izwi rokuti intabire (fertilizer) rinotaurwa mururimi rweKirundu.
  • Gutabira (to fertilizer) Zvichida izwi iri rinotodzana nezita rinonzi Muataviri?
  • Izwi rokuti igitarikwa (bridge, scaffolding) rinotaurwa mururimi rweKirundi. Zvichida izwi iri rinotodzana nezita rinonzi Mudarikwa?
  • Izwi rokuti umuragwa (heir) rinotaurwa mururimi rweKirundu. Zvichida izwi iri rinotodzana nezita rinonzi Murahwa?
  • Kirundi inoti umwungere (shepherd); VaShona vanoti mufudzi wehwayi. Zvichida ndipo panobva zita rokuti Mangere?
  • Kirundi inoti kuvyina (dance); VaShona vanoti kudzana.

[1]

  1. https://www.rcsdk12.org/cms/lib/NY01001156/Centricity/Domain/4194/english-kirundi%20dictionary.pdf