Svetuka kuchirochemo

Kupingura

Kubva Wikipedia

Shoko rokuti kupingura (interjecting to correct; to answer) zvinoreva kupindira pane zvataurwa munhaurwa nechinangwa kugadziridza mashoko uchiruramisa kuti chokwadi chaicho chibude pachena.

Kurerutsa Mutauro

[chinjirudza | chinjirudza mabviro]
  • Psalm 118:21, Ndinokubonga, ngokuti iwewe wakandipingura, ukaita muponesi wangu: I will praise you, for you have answered me, and have become my salvation.
  • Mambo Mwari ngaakupingure ngezuva rokutambudzika: May the Lord answer you when you are in distress. (Psalm 118:21, Bhaibheri reChiNdau).
  • Mambo Mwari ngaauraye kubva kumatende aJacob munhu wese anoita izvi, mupupuri wese nokuti mupinguri, nouwo unopa munikero kuna Mambo Mwari wehondo: May the Lord cut off from the tents of Jacob anyone who does this — any to witness or answer, or to bring an offering to the Lord of hosts. (Malachi 2:12, Bhaibheri reChiNdau).
  • Mapingure izita remhuri ringadaro richireva kuti muridzi wezita aiva netsika yokupindira munyaya nechinangwa chekugadzirisa zvataurwa kuti zvisvike pachokwadi, pamazvirokwazvo.

Mitauro yeBantu

[chinjirudza | chinjirudza mabviro]
  • Umbundu vanoti pinga (v. ask) kureva kubvunza.
  • VaMambwe vanoti kapingula (adviser, assessor, interpreter, jury in court, sort of lawyer).
  • Mambwe inoti kupingula (1. give advice to a person concerning a lawsuit; 2. pass judgement on; condemn).
  • VaMambwe vanoti upingululo (the breaking of a judgement or verdict; the reasons given for doing so).
  • VaMambwe vanoti upinguzi (a judgement, verdict).
  • VaBemba vanoti pingula (decide). Mamwe mazwi: ubipingulo (decision).
  • VaBemba vanoti bipingushi (judgement) kureva mutongo.
  • VaTaabwa vanoti kupingula (v. answer, respond, reply, write back) kureva kupindura.