Muramu

From Wikipedia
Jump to navigation Jump to search

Izwi rokuti muramu rinoreva zvinotevera:


  • Mukoma (sisi) kana munin'ina wemukadzi wako wawakaroora. Kune mamwe matunhu izwi iri rinoshandisirwa muni'nina wemudzimai chete; mukoma anenge achinzi ndimaiguru.
  • Mukoma kana munin'ina wemurume wako wawakaroora. Zvakare kune mawe matunhu, mukoma wemurume anenge achinzi ndibabamukuru. Babamudiki chete ndivo vanopinda muchikamu chekunzi muramu.
  • Kune mamwe matunhu tete vemudzimai wako vanodanwawo kunzi muramu.
  • Varamu vanhu vanokwanisa kuseka vose, kuita jee kana kutsiurana pane zvizhinji pasina kugumbukirana kuti zvazotaurirwei. Muramu wechikadzi anokwanisa kutsiura babamudiki vasingafarire zvokugeza mukuseka.