Kinyarwanda
Mataridziko
(runangakatsva kubva kuVaNyarwanda)
Kinyarwanda mutauro unowanikwa kuRwanda uri muboka remitauro yeBantu.
Mazwi Anotodzana
[chinjirudza | chinjirudza mabviro]- Kinyarwanda inoti umunyu (salt); VaShona vanoti munyu.
- Kinyarwanda inoti inyota (thirst); VaShona vanoti nyota.
- Kinyarwanda inoti kota (warm oneself by the fire); VaShona vanoti kugota.
- Kinyarwanda inoti umwotsi (smoke); VaShona vanoti hutsi.
- Kinyarwanda inoti urupfu (death); VaShona vanoti rufu.
- Mwana (Child) ndizvo zvimwechete kuKinyarwanda nekuShona.
- Kinyarwanda inoti gupfukama (to kneel); VaShona vanoti kupfugama.
- Kinyarwanda inoti gupima (measure, weigh, examine); VaShona vanoti kupima.
- Kinyarwanda inoti gupfa (to die); VaShona vanoti kufa.
- Kinyarwanda inoti umupira (rubber); VaShona vanoti mupira.
- Kinyarwanda inoti kureka (to stop, leave off, refrain from, cease, forsake, allow); VaShona vanoti kurega.
- Kurindira (to wait for, expect) ndizvo zvimwechete kuKinyarwanda nekuShona.
- Mururimi rweKinyarwanda vanoti Kuringanira (to be even ,equal, flat) kuShona vanoti kuringana.
- Muramu (Sister-in-law of man; Brother-in-law of woman) ndizvo zvimwechete kuKinyarwanda nekuShona.
- Kurera (to train, rear child) ndizvo zvimwechete kuKinyarwanda nekuShona.
- Kuremera (to be heavy) ndizvo zvimwechete kuKinyarwanda nekuShona.
- Kinyarwanda inoti uburiri (bed, sleeping place); VaShona vanoti uriri.
- Kinyarwanda inoti kurwanya (to fight); VaShona vanoti kurwa.
- Kinyarwanda inoti kurunda (to pile together, heap ). Zvichida izwi iri rinotodzana nezita reShona rinonzi Chirunda?
- Kinyarwanda inoti -shya (new); VaShona vanoti -tsva kana -dzva.
- Kinyarwanda inoti umuswa (white ants); VaShona vanoti mutswa.
- Kinyarwanda inoti igitaka (soil); VaShona vanoti dhaga kana dhaka.
- Kinyarwanda inoti gutambika (to place crosswise, be crosswise, hrizontal); ChiNdau vanoti kutambika.
- Kinyarwanda inoti tandatu (six); VaShona vanoti tanhatu kana nhanhatu.
- Kinyarwanda inoti tanu (five); VaShona vanoti shanu.
- Kinyarwanda inoti umuti (medicine, any mixed preparation); VaShona vanoti muti.
- Kinyarwanda inoti kubaka (to build); VaShona vanoti kuvaka.
- Kinyarwanda inoti ubuso (surface); VaShona vanoti chiso kana uso.
- Kurwara (to be sick, ill) ndizvo zvimwechete kuKinyarwanda nekuShona.
- Rwose (entire, complete, very much) ndizvo zvimwechete kuKinyarwanda nekuShona.
- Mururimi rweKinyarwanda vanoti gusonza (to be hungry). Zvichida izwi iri rinotodzana nezita reShona rinonzi Musonza?
- Kinyarwanda inoti isi (world, earth); Lugwere vanoti chisi (region, country). VaShona vanoti chisi kureva zuva rinoereswa kushanda.
Mamwe Mazwi
[chinjirudza | chinjirudza mabviro]- Izwi rokuti intara (region, area) rinotaurwa mururimi rweKinyarwanda. Zvichida izwi iri rinotodzana nechivakamberi nhara- mumazwi anoti nharaunda kana nharawanzi?
- Izwi rokuti umutemeri (lid, cover) rinotaurwa mururimi rweKinyarwanda. Zvichida izwi iri rinotodzana nezita reShona rinonzi Mutemeri?
- Izwi rokuti igitsina (sex, gender - male or female) rinotaurwa mururimi rweKinyarwanda.