Kupima

From Wikipedia
Jump to navigation Jump to search

Shoko rokuti kupima (to measure or weigh) rinoreva kuverenga kuti chinhu chine hurefu kana hwasha hwakakura sei uchishandisa chipimiso chine mwero unozivikanwa. Kupima hurefu kunoshandiswa rhula, kupima huremu kunoda chikero.

Mamwe Mazwi[chinja | edit source]

  • Bimwa kana mapimwa (1. Measure or a measured amount of something) kureva chinhu chakapimwa nemwero unozivikanwa.
  • Mutemo wenyika unoti pakushavana panofanirwa kushandiswa bimwa riri pamutemo rinozivikanwa.
  • Chipimo (scales; a measure).
  • Kueresedza (Measure exactly) zvichireva kupima nemazvo pasina kwanza kana kushomekesa.
  • Kuyera (to measure).
  • Kueresera (being moderate, temperate).
  • Chitanda; chitando; chitandiro mwero kana chiidzo (degree or measure).

Mitauro yeBantu[chinja | edit source]

  • VaLenje neVaLunda vanoti chimo (stature, size, height, volume, weight, amount, measure). VaWanga vanoti okhuyerana (to be equal).
  • VaGwere neVaHaya vanoti kupima (to measure) kureva kupima. VaGwere vanoti kipimo (measurement). Yao vanoti mlingo (n. a measure).
  • VaSwahili vanoti kima (1. price, value, 2. measure, size, stature). VaSwahili vanoti kimo (1. measure, size, stature, height, altitude).
  • VaGiryama vanoti ku-eza (to measure) kureva kupima. Kinande vanoti erilenga (v. measure, ration) kureva kupima.
  • VaNyoro vanoti okupima kana okulenga (to weigh) kureva kupima. Mamwe mazwi: ndengo (a measure) kureva chipimo.