Nyenyedzi

Kubva Wikipedia
nyeredzi
Zuva redu, inyeredzi.

Nyeredzi (Chingezi: star) kana nyenyedzi, muzvidzidzo zvechadenga, zvinoreva zviri muchadenga zvinobwinya zvichionekwa munguva yehusiku kana zuva radoka. Nyeredzi dzine hujoto hwakakwira zvokuti sebhe irimo inoshanduka kubva pakuva gasi rinopisa rashanduka kuita vurazvu hunenge hwemoto - pulazima. Iwo vurazvu hwemoto imhando yomusandu ine mwando unopisa zvakanyanya zvokuti mahatomu anoshanduka kuva mahayoni.

Zuva pacharo imhando yenyenyedzi uye ndiyo nyenyedzi iri pedyo zvakanyanya nepasirino. Kuzuva ndiko kunobva simba zhinji rinosvika pasi pano. Zuva rine kubwinya kwakanyanya zvokuti munguva dzemasikati dzimwe nyenyedzi dzinoita sokunge dzisipo tichiona kubwinya kwezuva chete. Nyenyedzi dzinozoonekwa kubwinya kwadzo munguva yemhanheru apo rimwe divi renyika rinenge rafuratira zuva rave murima.

Mazita eNyenyedzi[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Tarisafi futi: Mazita eNyeredzi uye Mazita eNyeredzi neUnganyeredzi

Zvimwe zvekutarisa[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Mitauro ye Chibanthu[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  • VaNande vanoti erinyenyeta (n. shine) kureva kupenya. Sokuti: omubirí wíwe ányényetirȩ (his body shines). VaSwahili neVaDigo vanoti nyota (n. star) kureva nyenyedzi.
  • VaNyungwe, VaGiryama neVaDigo vanoti nyenyezi (n. star) kureva nyenyedzi. VaGanda vanoti munyenye (n. star) kureva nyenyedzi.
  • VaLenje vanoti nyenyeshi (n. star) kureva nyenyedzi. VaNyoro vanoti nyunyuzi (n. star) kureva nyenyedzi. VaFipa vanoti ulutongwa; ulutanda (Star) kureva nyenyedzi.
  • VaKikuyu vanoti cata; njata pakuwanda (star, stars) kureva nyenyedzi. VaZigula vanoti ntondo (n. star) kureva nyenyedzi.
  • Baila vanoti intanda (n. falling, shooting star, a meteor) zvichireva nyenyedzi inouruka - zvichida tingati nhanda.
  • Nsenga vanoti kunyavata (v. to glitter, to shine - used of sun and stars or that which shines by it's own light).

Mabviro eruzivo[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  1. https://web.archive.org/web/20210809174816/http://cobblestonepub.com/pages/FAODYShonaSky.html Yakatariswa: 10 Nyamavhuvhu 2021
  2. 'Zvechadenga kuChamhembe cheAfurika', Bright southern stars. Yakatariswa: Chikumi 2021
  3. 'Zvechadenga kuChamhembe cheAfurika', Bright southern stars. Yakatariswa: Chikumi 2021
  4. 4.0 4.1 4.2 'Mwedzi, Nyeredzi ne Zvindeya' Nguruvenembwa. Yakatariswa: Chikumi 2021
  5. 'Zvechadenga kuChamhembe cheAfurika', The stars around Orion. Yakatariswa: Chikumi 2021
  6. 6.0 6.1 Zimboriginal, 30 Gunyana 2019 ,"Mwedzi, nyeredzi ne zvindeya" Maguta and Mazhara. Yakatariswa: Chikumi 2021
  7. 7.0 7.1 Koitsiwe_MT.pdf, 2.4.6 Kgora le tlala, peji 103-104. Yakatariswa: 10 Nyamavhuvhu 2021