Chiremera (chindeya)

From Wikipedia
Jump to navigation Jump to search
Chiremera kana Chirema.
Tsananguro yaChiremera.

Chiremera (Chirungu: Saturn) kana Chirema kana Sotani chindeya chechitanhatu kubva kuzuva uye yechipiri pakukura muMutandiro weMushana. Vhenekeratsvimborume (Jupiter) ndicho chindeya chakakurisa kudarika Chiremera. Chindeya ichi igasi hofori ine avhareji nharaunda ingangoita mapfumbamwe nehafu nguva yeRinopasi.[1][2]

Zita[chinja | edit source]

Mashona[chinja | edit source]

Muchinyakare Vashona vaiverenga nyeredzi kuti dzivabatsire mukuunganidzwa mezvekudya nevavhimi nevabati vehove.[3] Vaiziva nezvemhete dzakapoteredza Chiremera, izvi ndizvo zvakaita kuti Chiremera apihwe zita rake. Zita rekuti Chiremera rakabva kushoko rekuti Chirema nekuti Vashona vaiona senge chindeya ichi chakange chakaremara nekuda kwekuti yaive nemhete dzinonatso oneka dzayo. Saka vakange vasina kujaira masiyanero ayo nezvimwe zvindeya zvavaiona.[3]

Chiremera eclipse.


Uye nyaya yavaitenda pamusoro paChiremera yaive yekuti:

Chirema chino sanganisa nyenyedzi diki dzakabatwa nokukwezva naiye Chirema wacho, asi vaisa ziva chikonzero chekutenda izvi chaisa zivikwa. Pamusoro pezvo vaitenda kuti idzo nyenyedzi diki dzaicho dzaimirira nguva dzadzaizo mutswa dzozowira dzichiita zvindeya zvine boterero dzaro. Kuwira kwaro kwai enzaniswa nezvinoita vana pavanobva pamba woita vanhu vavo vega pachavo.[3]

Mafungiro evaShona aive nechokwadi asi kwete chokwadi chizere. Nhasi, munguva ino vanhu vezvechadenga (astronomers), vanotsanangura kuti mhete dzaChiremera dzine ma "umbwa madiki akaita kakufukidzwa nechando" (small ice-coated particles) uye ese ane botererero dzaro.[2][3]

MuChiBantu[chinja | edit source]

Mitauro yeZimbabwe[chinja | edit source]

Chitsonga | Xitsonga[chinja | edit source]

  • Ntavasi ndiro zita raChiremera muChitsonga.[4]

Chixhosa | Isixhosa[chinja | edit source]

  • iSateni ndiro zita raChiremera muChixhosa.[5]

Chisotho | Sesotho[chinja | edit source]

  • Satene izita raChiremera muChisotho[5]

Chitswana | Setswana[chinja | edit source]

  • Satuni izita raChiremera muChitswana[5]

Mumwe Mutauro yechiBantu[chinja | edit source]

Chiswahili | Kiswahili[chinja | edit source]

  • Zohali ndiChiremera muChiswahili, ishoko rinobva kuChiarabhu.[6][7]

Chizulu | Isizulu[chinja | edit source]

  • Sathene ndiro zita raChiremera muChizulu.[5]

Mabviro eruzivo[chinja | edit source]

  1. Brainerd, Jerome James (24 November 2004).'Maitiro aChiremera'.The Astrophysics Spectator. Archived from the originalon 1 Gumiguru 2011. Yakatariswa: 6 Chikumi 2021
  2. 2.0 2.1 28 Chikunguru 2011, 'Tsananguro yaChiremera' Scienceray. Yakatariswa: 7 Chikumi 2021.
  3. 3.0 3.1 3.2 3.3 F.W.J McCosh, h.z, 'The Rhodesia Native Affairs Dept. Annual for 1970' The African sky. Planets. Yakatariswa: 5 Chikumi 2021
  4. sn:wiki contributors, (5 Chikumi 2021) 'Chindeya', Mazita ezvindeya muChiBantu. Yakatariswa: 6 Chikumi 2021
  5. 5.0 5.1 5.2 5.3 Bomar S, 2010, 'Mazita ezvindeya mumitauro yese' Yakatariswa: 7 Chikumi 2021
  6. sw:wiki, (8 Chivabvu 2019), 'Zohali'Yakatariswa: 7 Chikumi 2021
  7. sw:wiki, 4 Gunyana 20120, 'Sayari' Sayari za jua letu. Yakatariswa: 7 Chikumi 2021