Rinyanga

Kubva Wikipedia
Mfananidzo wa: Rinyanga (Arufa Karine)

Rinyanga (kureva Canopus; ka-no-pus; α Alpha Carinae kana alpha carinae paChingezi ne Chiratini) kana Linyanga, ndiyo nyeredzi inopenyesa muunganyeredzi ye Karina uye inyeredzi yechipiri inopenyesa mudenga re vusiku.

Nhoroondo[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Munhoroondo ye Masinga anowanikwa kuChamhembe kwe Afurika yaidanwa kutodza 'nyanga', Vasuthu ne Vatswana vaiti Naka, Vavhenda vaiti Nanga,[1] apa ndipo pabva zita rayo reChishona rokuti 'rinyanga'. Kupereterwa nokureketwa kwaro kuri kunyorwa se 'rinyanga' kuti risiyaniswe ne nzvimbo uye nezvimwe zvinhu zvinonzi nyanga, munyanga kana runyanga muChishona chamazuvaose.

Mabviro eruzivo:[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  1. Herman Manson, 3 Kukadzi 2009, "Traditional star lore of Southern Africa" Yakaringwa 2020-2023