Chisimira
Jump to navigation
Jump to search
Chisimira (Chingezi: Pleiades) Chimutanhatu kana hanzvadzi sikana nomwe, isumbu rakavhurika renyeredzi rine makore epakati-pakati, nyeredzi dzinopisa dzemhando-B kuchamhembe kwakadziva kumadokero kweyeboka reHandira (Taurus). Iri pakati pemasumbu enyeredzi ari padyo nepasi, ndicho chinhu chepedyo cheMesa (Messer) pasi pano, uye ndiro sumbu rinonyatso kuoneka kune ziso rakashama mudenga rehusiku.[1]
Vambo rezita[chinja | edit source]
Chisimira izita rema pleiades rinoreva kuti 'nguva yekusima' kana 'kudyara'.[1]
Chimutanhatu kana Chinyamutanhatu inyeredzi tanhatu dzakajeka muchisimira, imwe yacho yechinomwe hayikwanise kuoneka zvakanaka kana munhu achitarisa.
Mitauro yeBantu[chinja | edit source]
- Kilimia ndio zita rachisimira muChiswahiri.[2] Rangarirai kuti Vaswahiri vanoshandisa Ki panoshandiswa Chi muChishona.
- Bangɔndɔ nsambo ndiro zita rachisimira muChiringara (Chilingala)[3]
- Kelemera ndiro zita rachisimira kuVanyabangu wekuRwanda.[4]
Mabviro eruzivo[chinja | edit source]
- ↑ 1.0 1.1 https://archive.org/stream/TheRhodesiaNativeAffairsDept.AnnualFor1979/NADA2_djvu.txt
- ↑ Chiswahiri Wikipidhiya, (4 Chivabvu 2019) 'Kilimia' Chisimira. Yakatariswa: 21 Chikumi 2021
- ↑ Chingala Wikipidhiya, (24 Chikunguru 2013) 'Bangɔndɔ nsambo' Yakatariswa: 21 Chikumi 2021
- ↑ 4.0 4.1 4.2 4.3 4.4 4.5 'ethno astronomy' the stars around orion. Yakatariswa: 21 Chikumi 2021