Nambya

Kubva Wikipedia

Chinambya (kana Nzanzwa; Nanzva) mutauro unowanikwa kuMadokero kweZimbabwe kusanganisira mudunhu reHwange. Mutauro weNambya uri pedyo neChikalanga uye unotaurwa nevanhu vashoma muBhotswana.

  • Nambya vanoti tate (v. father) kureva baba.
  • Nambya vanoti -cheka (v. cut) kureva kucheka.
  • Nambya vanoti -loba (v. beat) kureva kurova.
  • Nambya vanoti -vuna (v. break) kureva kuvhuna.
  • Nambya vanoti -laba (v. read) kureva kurava.
  • Nambya vanoti -funda (v. learn) kureva kufunda.
  • Nambya vanoti -fa (v. die) kureva kufa.
  • Nambya vanoti mwana (v. child) kureva mwana.
  • Nambya vanoti -bimba (v. trust) kureva kuvimba.
  • Nambya vanoti -bhuza (v. ask) kureva kubvunza.
  • Nambya vanoti -tuka (v. insult) kureva kutuka.
  • Nambya vanoti chikolo (n. school) kureva chikoro.
  • Nambya vanoti -ziba (v. know) kureva kuziva.
  • Nambya vanoti -bhika (v. cook) kureva kubika.
  • Nambya vanoti -bona (v. see) kureva kuona.
  • Nambya vanoti shaja kureva sadza.
  • Nambya vanoti madeko (n. evening) kureva madeko.
  • Nambya vanoti mangwana kureva mangwana.
  • Nambya vanoti -gezha (v. bath) kureva kugeza.
  • Nambya vanoti ndazolya kureva ndazodya.
  • Nambya vanoti chimanga (n. mealie) kureva chibage.
  • Nambya vanoti mbuji (n. goat) kureva mbudzi.
  • Nambya vanoti inyama (n. meat) kureva nyama.
  • Nambya vanoti makwikwi (n. competition) kureva makwikwi.
  • Nambya vanoti -labuka (v. ran) kureva kumhanya.
  • Nambya vanoti muriji (n. owner) kureva muridzi.
  • Nambya vanoti -nyula (v. drown) kureva kunyura.
  • Nambya vanoti unda (n. field) kureva munda.
  • Nambya vanoti chemeja (v. cause to cry) kureva kuchemedza.
  • Nambya vanoti ivula (n. water) kureva mvura.
  • Nambya vanoti chigalo (n. stool, seat) kureva chigaro.
  • Nambya vanoti amegulu (n. grandmother) kureva ambuya.
  • Nambya vanoti ihali (n. clay pot) kureva hari.
  • Nambya vanoti -shinga (v. work) kureva kushanda.
  • Nambya vanoti -mbwela (v. fall down). Mamwe mazwi: -mbweja (cause to fall; decampaign).
  • Nambya vanoti -dhelela (v. be low) kureva kuderera.
  • Nambya vanoti -lebeleka (v. speak) kureva kutaura.
  • Nambya vanoti -lemeja (v. cause to be heavy) kureva kuremedza.
  • Nambya vanoti -shaba (n. red) kureva shava.

[1]

  1. https://www.edd.uio.no/allex/ibooks/Chabata/Chabata.pdf