Mbudzi

From Wikipedia
Jump to navigation Jump to search
Hausziege 04.jpg

Mbudzi (goat in English) imhuka inopfuyiwa pamusha. Mbudzi dzinowanikwa Pasirose dziine mhando dzakasiyana-siyana. Mbudzi dzinochengeterwa nyama uye mukaka wadzo. Kunonzi mbudzi dzinopa chikamu chemukaka chinokwana 2% wemukaka unodyiwa nevanhu Pasirose.

Mbudzi nzvari inotakura nhumbu kwemazuva 150.

Tsika[chinja | edit source]

  • Benzva, mabenzva (She-goat that has had progeny; ) kureva nhunzvi yembudzi.
  • Mbudzi dzaneta, udzitinhe chinyai: the gots are tired, drive them slowly.
  • Kurava mbudzi nedzisipo, kurava nedzava matoo. Counting absent goats means counting (even) dead ones.

Mazita anojekesa[chinja | edit source]

Tsumo[chinja | edit source]

  • Kanyenye kotsakatika/ gondo roonekwa rakaruma nyama. A small goat gets lost and an eagle is seen with a piece of meat.
  • Mbudzi kudya mufenje hufana nyina.
  • Mbudzi kukwira mufuta kufana rudzi. (If) a goat climbs a castor oil-plant, it imitates its own kind.