Muridzi

From Wikipedia
(Redirected from Mungwariri)
Jump to navigation Jump to search

Muridzi, tewe kana mwene zvinoreva munhu ane chinhu chinonzi ndechake pamberi pomutemo. Munhu anokwanisa kuva muridzi wechinhu kuburikidza nokunge akachitenga, kupihwa, kugara nhaka, kana kuchishandira. Pahuwandu vanenge vonzi varidzi. KuChiNdau vanoti mune, kududza muridzi.


Mamwe mashoko anoreva muridzi ndiwo anoti mwene kana vene pahuwandu. Shoko rokuti muzvina rinoshandiswawo, asi iri rinoreva uyo anoshandisa chiro chiri kurehwa, anokwanisa kuva iye mwene wacho kana akabata chete anochishandisa. Sokuti muzvinapembe anokwanisa kune ari kuridza pembe isiri yake. Tine mufungo mumwechete muzvinabhizinisi anokwanisa kunge ariye maneja mukuru anotungamira bhizinizi rine varidzi varo, asi iye ndiye ane hudaviri pamusoro paro. Izwi rokuti kuzvina rinoreva kudzana (to dance) kuChiNdau.

  • Mungwariri (one who watches over; the one in charge; keeper of facility).

Kurerutsa Mutauro[chinja | edit source]

Tsumo[chinja | edit source]

  • Chinokura choga isango munda kukura huona tewe. What grows alone is a forest, a field grows when it sees its master.
  • Chedahunha chiri kumusoni. What happens to a kaross is up to the owner.
  • Kusiri kwako masango. A place other than yours is bush-veld.

Mitauro yeBantu[chinja | edit source]

  • VaKabwa vanoti omwene (n. owner) kureva mwene.
  • VaChewa vanoti mwene (self, self-same, genuine, owner, owning). Sokuti mfumu mwene (the chief himself); chintu cha mwene - chinhu chemuridzi.
  • Izwi rokuti mwenya (master; lord; owner) rinotaurwa mururimi rweYao.
  • VaHerero vanoti omuini (own; owner).
  • Vatauri veUmbundu vanoti umwini kana umwene (owner).
  • Vatauri veKimanda vanoti mukola (owner) kureva mwene.
  • VaLenje vanoti mwine kana mwini (owner, possessor) vachireva mwene. Pakuwanda voti wene.
  • VaTonga vanoti mwadimunzi (head of village) kureva samusha.
  • VaTonga vanoti mudimunda (owner of garden) kureva mwene wemunda.
  • VaTonga vanoti mudimugutu (owner of sheep ram) kureva mwene wegotora.