Kusona
Mataridziko
Tsono kana tsingano (needle in English) karo kakagadzirwa nesimbi kanoshandiswa kusona hembe. Tsono inogadzirwa iine buri kune divi rimwe, buri iri rinotungwa shinda yacho inoshndiswa kusona. Tsono hombe inoshandiswa kusona masaga inonzi dungo.
Kumberi kwetsono kwakapinza kunodanwa kunzi munyunzvi. Vamwe vatauri vanoti munzvi kana munzi.
Kurerutsa Mutauro
[chinjirudza | chinjirudza mabviro]- Tsono ine munyunzvi.
- Runji (an iron needle, a pin).
- Dumo kana dumbo (large needle for sewing mats).
- Kupfuma (to sew).
- Mupfumi (tailor; one who sews).
- Mupfumanidzo (Seam).
- Rudzingo (n. Sewing cotton) kureva shinda yekusonesa.
Mitauro yeBantu
[chinjirudza | chinjirudza mabviro]- Lubukusu inoti khuusoona (v. weave, sew, embroider, weave mats (fibre), knit) kureva kusona.
- Lubukusu inoti khuusoonwa (to be sown) kureva kusonwa. VaLenje vanoti shingano (needle)
- VaSwahili neVaDigo vanoti fuma (weave, knit, crochet, embroider; plait, braid; sew together) kureva kusona.
- Swahili inoti fumua (1. loosen, untie, unravel, undo, unroll). Maconde inoti -tota (v. sew) kureva kusona.
- VaMambwe vanoti -kombela (to hem, cut the cloth shortening it considerably)' kukombera mukombero wechipfeko.
- VaGanda neVaGwere vanoti mpiso kureva tsono. Maconde inoti ntotelo kana mitotelo (n. needle) kureva tsono.
- Yao inoti kutota (sewing) kureva kusona. Maconde inoti ntota kana mitota (n. needle) kureva tsono.
- VaGiryama vanoti kufuma (sew, weave) vachireva kusona. Mamwe mazwi: mufumo (seam) kureva musono.