Svetuka kuchirochemo

Uta neMuseve

Kubva Wikipedia
(runangakatsva kubva kuMbaniro)

Museve (arrow in English) chombo chakagadzirwa chiine chitanda chipfupi chakabatanidzwa nemuromo unopinza unoshandiswa kubaya panguva yokunge vanhu vachirwa hondo kana kuvhima. Museve unokandwa kuchishandiswa uta.

  • Mbaniro (notch) zvinoreva gwanza riri sure kwemuseve apo unobatiswa napo kuuta.
  • Goba (arrow case with arrows). Kana goba risina miseve rinonzi mukutu. Zvichida izwi rokuti mukutu rinotodzana nerokuti mukudu?
  • Bhanhire ( A skin belt with pouches for arrows). Kana awanda onzi mabhanhire.
  • Uta, vuta, utati kana dati (bow in English) chombo chakagadzirwa chiine muti unotepuka wakakakwa tambo pakati pawo kusvika muti wakombama kuita munyonga. Dati kana pari pakuwanda anonzi matati. Chombo ichi chinoshandiswa kupfura kana kuti kukanda museve.
  • Chandoma kana mhina (1. Wooden arrowhead, 2. Arrow with wooden head).

Nhengo dzeMuseve

[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Kurerutsa Mutauro

[chinjirudza | chinjirudza mabviro]
  • Vanhu vachaendayo nembita nemisee, ngokuti nyika yeshe inozoita makato neminzwa: Only those with bows and arrows will go there, because the entire land will become thorns and thistles. (Isaiah 7:24, Bhaibheri reChiNdau).
  • Kana museve woda nyama unodauka pauta.
  • Kana museve woda nyama unodauka pauma.

Apa izwi rokuti uma richireva inonzi haze kana mirage kuEnglish.

Mitauro yeAfrika

[chinjirudza | chinjirudza mabviro]
  • VaGungu vanoti buta (n. bow) kureva uta. Mafwe vanoti mata (n. bows) kureva uta pakuwanda.
  • Kimbundu vanoti uta (n. weapon). Umbundu vanoti usongo (n. arrow).
  • Herero vanoti uta (begin; found; invent; initiate; undertake; originate; commence anything).
  • Herero inoti omu-zi (arrow point) kureva munzi wemuseve.
  • Chimbalazi vanoti vuuta (v. pull). Lela vanoti s'tàa fire at, shoot) kureva kupfura pfuti.
  • Lozi inoti -kunga (v.t. to gather, to collect, to muster) vachireva kukunga.
  • Chewa inoti chikungo (the string of a bow). Umbundu inoti usongo (arrow).
  • Digo inoti lubgwe (string, cord, bowstring) zvichireva tambo yeuta.
  • VaLenje vanoti uruvuto (string of bow) vachireva tambo yeuta.
  • Chopi vanoti seve (n. a long barbed narrow head). Swahili vanoti tora (spear with a narrow head).
  • Kikongo inoti tota (arrow) kureva museve. Tuwuli vanoti ta (v. shoot) kureva kupfura.