Fanza

Kubva Wikipedia

Kufanza zvinoreva kushanduka kubva pakuve mutuvi kuenda pakuve gasi kunoitika pasina kushanduka kwehujoto hwekufanza . Mutuvi unoshanduka kuva godo kana hujoto hwasvika kana kudarika chimiso chekufanza - boiling point. Somuenzaniso, mvura inoshanduka kubva pakuve mutuvi kuenda pakuve mwando wemvura (water vapour) kana hujoto hwasvika kana kudarika hujoto 100oCelsius.

Kujekesa

Kufanza kuri pamupanda wokusasauka. Musiyano ndewekuti kusasauka kunoitika chero nepahujoto huri pasi pechimiso chekufanza. Kufanza kunoitika nemudida uri pamusoro uye kufanza kunoitika kana hujoto hwasvika pachimiso chekufanza.

Somuenzaniso, mvura yasiyiwa mubhava panze pazuva inosasauka ikadakara kusvika pakupera ichingosasauka asi isina kumbofanza. Kupwa kwemvura iyi kunotora nguva yakareba zvinosiyana nemvura iri kufanza iri pamoto inokasira kupwa.

Simba remadziya rinopinda mumutuvi richikonzera kufanza rinonzi mbindikwa yemadziya ekufanza

Mamwe Mazwi[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Mitauro yeChiBantu[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  • VaVenda vanoti -vhila (n. boils) kureva kuvira. VaLozi neVaBemba vanoti bila (v.i. to boil; to ferment) vachireva kuvira.
  • VaLozi neVaBemba vanoti kubilauka (v.i. to boil much; to be much agitated) vachireva kuvirisa. MaZulu vanoti ukubilisa (to boil) kureva kuvirisa.
  • VaLozi vanoti -biluka (v.i. to come to the surface, to leap or suddenly turn over (fish)). VaBukusu vanoti khuubila (to boil; get warm) kureva kuvira.
  • VaHerero vanoti tereka (boil) kureva kufashaidza. Tereka onyama (boil the meat).
  • VaChewa vanoti kuwira (bubble as water when boiling) kureva kuvira. VaKongo vanoti yila (to boil) vachireva kuvira pachoto.