Vana
Jump to navigation
Jump to search
Vana kana wana (children in English) izwi rinoreva vanu vakazvarwa naBaba naMai. Rinoshandiswazve kureva vanhu vachiri vadiki vari pasi pezera remakore gumi nemanomwe (18). Takatarisana nevanhu vana vanotarisirwa kuti vange vachiri pasi pehutongi hwevabereki vavo, vachichengetwa nekutungamirwa nevabereki vavo. Zera rokunge vanhu vachinzi vana rinosiyana nokusiyana kunoita: tsika, nyika, rudzi, chitendero, zvichingodaro.
Kuchitendero chechiJudah munhu anoyaruka kunzi akura ava murume kana kuti mukadzi pamakore gumi nematatu (13) ekuberekwa; panguva iyi panoitwa mabiko anonzi barmitzvah kana kuti batmitzvah.
Mamwe Mazwi[chinja | edit source]
- Hwana (childhood; characteristics and attributes of childhood).
Tsika[chinja | edit source]
- Vana chipo chibva kuna Mwari.
- Vana vemusanya uno havana tsika. Apa kureva: The children of today have no manners.
- Hwerera (Numerous offspring).
Mazwi eBantu[chinja | edit source]
- VaWanga vanoti omwana (n. child) kureva mwana. Barotse vanoti bwanana (childhood) kureva hwana. Zigula vanoti mvyalo (n. an offspring) kureva mwana.
- VaLenje vanoti mwana (n. 1. a person, 2. child, a son or daughter, 3. one who is dependent upon another) kureva munhu, mwana kana murerwa.
- Lenje vanoti mwanakashi (n. woman, a female person, a wife) kureva munhukadzi kana mukadzi wemunhu. Kimbundu vanoti muana kureva mwana kana tuana kureva twana.
- VaTonga vanoti mwana mulombe (n. male child) kureva mwanakomana. Mazwi Anotodzana: mwana musimbi (n. female child) kureva mwanasikana.
- VaMambwe vanoti ukwasi (n. offspring, progeny, procreation) kureva vana. VaGulu vanoti chali kana vyali (n. child, little children).