Chimanyika

Kubva Wikipedia
Manyika
Chimanyika
Ichizvarwa che: Zimbabwe, Mozambiki
Vatauri: 1.3 million (2000–2006)
Mhuri ye mutauro: Chinaija-Kongo
Mitauronyina:
  • Tewe (Chiute)
Khodhi ye Mutauro
ISO 639-3 Chero:
  • mxc – Manyika
  • twx – Tewe
Glottolog many1258  Manyika

tewe1238  Tewe

Guthrie Khodhi S.13

Chimanyika ibazi remutauro weChiShona. Chinotaurwa kumabvazuva kwenyika ye Zimbabwe mudunhu reManicaland. Guta guru riri mudunhu iri rinonzi Mutare. Chinhu chikuru chakanyanya kusiyana pakati peChiManyika nemamwe mapazi emutauro weChiShona matauriro (pronounciation) uye nekuti muBumbiro remabhi e Chimanyika haina -no- uye -va-. Sekuti pese panoiswa "no" mune mamwe mapazi echi Shona panoiswa "ngo" se muyenzaniso;

Ndinoda vanoti Ndingoda Ino mhanya vanoti ingo mhanya, zvichingo daro

  • Zvimwechetezvo panoiswa "va" ivo vanoisa "wa"

Semuyenzaniso

  • Vanhu vanoti wanhu
  • Vachida kuti vana vakauya vakawanda ivo vanoti wana wakauya wakawanda

ChiManyika chino patsanurwawo mune mamwe mapazi anoti chiNdau, ChiMaungwe, ChiBocha neChiManyika.

Mitauro ye Chibantu[chinjirudza | chinjirudza mabviro]