Sinowo

From Wikipedia
Sinowo

Sinu (ku Chingezi: snow) kana sinowo[1] kutora izwi reVarungu, kana sidwa uye sitwa kutora mashoko emitauro ye Chibantu. Muchidzidzo cheTaranyika, sinowo imhando yekuturuka kwemvura inoitika munzvimbo dzinotonhora zvakanyanya. Sinowo zhinji inonaya kunyika dzinotonhora dziri kuYuropu (Rashiya, Yukuraniya), Ezhiya, neMawodzanyemba eAmerika. Mazaya echando anowanikwawo munzvimbo dzakakwirira zvakanyanya segomo reKirimanjaro kuKenya nekumakomo makuru ari kuChile kuChamhembe cheAmerika.

Kazhinji sinowo inoturuka kana kuri kutonhora zviri pa 0 Celsius zvichidzika, panova ndipo panogwamba mvura kuita magodo echando. Sinowo yakareruka pahuremu uye painoungana inosiya tuhomwe twemhepo pakati payo tunova tunoita kuti isarema. Munyika dzinotonhora, kune mhuka dzinohwanda musinowo kana chando chasvika izvi zvichidzivirira kutonhorwa nechando kwakanyanya. Mhuka dzakita setsuro neshiri dzinonzi Ptarmigan dzinofukura zvipako zvokuhwanda musinowo; apa sinowo inenge iri kuita semashe ichishanda kudzivira chando zvinoita iye inonzi insulation kuChirungu. Mhuka yakahwanda musinowo inodzivirira chando kupfuura iyo iri pamhene inorohwa nemhepo inovhuvhuta.

Vambo rezita[chinja | edit source]

Chishona hachina izwi rekuti snow nekuti vatauri havana kugara munzvimbo ine snow, saka mutauro we Chishona unotora shoko kubva kumitauro imwe. Izwi rinobva kuChirungu nderekuti sinoo kana sinu (sinuu), asi izwi rinobva kumitauro ye Chibantu nderekuti sidwa kana sitwa richibva kumitauro iyi: Iqhwa muChizuru, litwa muChirozi, lehlwa muChisoto ne Chitswana.

Zvakanaka kuziva kuti Vashona vanogara padhuze ne Vavhenda, kana Vakalanga vanogona kunge vachishandiswa mazwi avo; kapuku, gambogo kureva snow.

Kurerutsa Mutauro[chinja | edit source]

Nyika dze muAfurika dzine sinoo[chinja | edit source]

Kunyangwe hako kuchisinowa muAfurika, hazviwanzo itika nguva dzakawanda, inyika shoma dzinosinowa muAfurika.

Mitauro yeAfrika[chinja | edit source]

Mamwe mapeji ekutarisa[chinja | edit source]

Mabviro eruzivo[chinja | edit source]

  1. Vashona, 28 Zvita 2018, "sinoo - snow"
  2. 2.0 2.1 2.2 The world geography, "Nzvimbo dzino nyanyo sinowa mu Afurika" Yatakatariswa: Gumiguru 2021
  3. 3.0 3.1 3.2 3.3 Nenpan Ngwan, "Afurika inosinowa here? Idzi ndizo nyika dzinosinowa muAfurika" Yakatariswa: Gumiguru 2021
  4. Vashona, 30 Chikunguru 2015, 'hwewa - weather'