Uso

Kubva Wikipedia
(runangakatsva kubva kuKumeso)
Chiso chemwana ari kunyemwerera

Uso, vuso, chiso kana hope (kureva face) zvinoreva kumberi kwemusoro wemunhu kana mhuka kunova ndiko kune mhuno nemaziso. Chiso chemunhu chinotangira munoperera vhudzi.

  • Chombe (bone above the eye) apa kureva bvupa riri pamusoro peziso.
  • Chavovo (temple on the head) apa kureva kumativi emusoro kuri kuri kumusoro kwematama.
  • Manhanda (wrinkles on face).
  • Mhutu (cheek).

Kurerutsa Mutauro[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  • Mwana uyu ane chiso chakati baranganda - apa kureva chiso chakajeka chisina kurema, chemunhu anotaridzika seakasununguka.
  • Kusekera mumhutu (laugh without showing it; laugh up the sleeve).
  • Kuita mhutu (drink a mouthful) kureva kunwa zvinozadza mukanwa kamwe - kanonzi kamhutu.

Mitauro yeAfrika[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  • Tumbuka inoti chisho kureva chiso. Giryama inoti uso (v. counternance) kureva chiso. Lusoga inoti obwanga (n. face).
  • Fwe inoti buso (front) kureva kumberi. Chuwabo inoti kove kureva kumeso. Nsenga inoti chinso (face, appearance, complexion) kureva kumeso.
  • Nyungwe neChewa vanoti nkhope kana nkope (the face, countenance) kureva chiso. Yao vanoti ngope (n. face) kureva hope.
  • VaHerero vanoti omurungu (n. face) kureva chiso. Mamwe mazwi: omurungu omupepu (n. thin face; narrow face) kureva chiso chitete.
  • VaMambwe vanoti cata (countenance, looks, features). VaBemba vanoti mpumi (face). VaMaconde vanoti ing'ope (face) kureva uso.
  • Nyaneka vanoti otyipala (n. face) kureva chiso. Umbundu vanoti ochipala (n. face) kureva chiso.
  • Uyo Ibibio inoti iso (n. face, front, future) kureva chiso. Shambala inoti chene (n. face) kureva chiso.
Chiso cheChembere yekuGambiya.