Kumberi

From Wikipedia
Jump to navigation Jump to search

Izwi rokuti kumberi kana mberi (in front, ahead) rinoreva nzvimbo iri kuri kuendwa asi kusati kwasvikwa, kana iri kwakanangwa kwakatariswa nemutauri.

  • Kumberi zvinokwanisawo kureva divi rine maziso emunhu kana mhuka.
  • Kana pari pamba kumberi zvinoreva divi riri kumugwagwa kunowanzopinda nako vanhu.

Kurerutsa Mutauro[chinja | edit source]

  • Nyamauya ari pamberi pangu: Nyamauya is in front of me.
  • Vana Mai vapfuurira mberi nebasa rechikoro: The women have gone ahead with their school work.

Mitauro yeBantu[chinja | edit source]

VaMaconde vanoti muyo (front, before) kureva kumberi. Sokuti muyo mwaangu - (in front of me).

  • VaDigo vanoti mbere (front) kureva mberi.
  • VaDigo vanoti mbere ya kana mbere za (in front of; before) kureva mberi kwa kana mberi kwe.
  • VaSwahili vanoti mbele (front) kureva mberi.
  • VaTonga vanoti enembo kana kunembo (in front of) zvichireva kumberi.
  • VaTonga vanoti kumbele (ahead, forward, in front, future) zvichireva kumberi.