Glendale

Kubva Wikipedia

Glendale musha uri mu Mazowe District kuMashonaland Central, Zimbabwe. Glendale yakapiwa zita iri kufananidzwa netaundhi iri kuNorthumberland, England. Musha weGlendale uri pamupata weRwizi Mazowe chinhambwe chinokwana 60km kubva kuHarare. Izwi rokuti Mazowe rinobva pane rokuti Manzou; uku kwaive kutadza kutaura kwevarungu.

Pakuverengwa kwevanhu mogore 1982 Glendale yaiva nehugari hwevanhu 6,076. Musha uyu wakapoteredzwa nemapurazi anorima chibage, donje, gorosi nekupfuya nguruve, mombe, uye kukama mukaka. Minda yemaranjisi yeMazowe Citrus Estates iri pedyo neGlendale. Humwe hushangazhi huri muGlendale hunosanganisira National Railways of Zimbabwe, Cotton Company of Zimbabwe, Glendale Spinners, KuChamhembe kweGlendale kune mugodhi unochera Iron Pyrites unonzi Iron Duke Mine uri nhambwe inokwana 15km kubva kuGlendale.

Nhoroondo[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Nzvimbo ine musha weGlendale yakanga yakagarwa nevanhu verudzi rweVaShona vari pasi paShe Chiweshe, anova ndiye ari kutonga nhasi ari muruwa rweChiweshe. Mumakore 1884-1902 Vapambe pfumi vaibva kuBritain vakazotora nyika ino mugore ra1889 vakaitumidza kuti Rhodesia, nhoroondo kubva mubhuku rava: Arthur Keppel-Jones . Vawuyi ava avakanaga vachiva ivhu renvzimbo iyi rinova gova rakanaka samare uye vakachiva gold raiwanikwa munzvimbo iyi.

Mumakore akatevera Glendale yakagarwa nevarimi vachirungu, vnahu Vatema, nevashandi vakatama kubva kuMozambique, Malawi neZambia. Kubva mugore 2000, mapurazi mazhinji airimwa nevarungu akatorwa nehurumende akapiwa kuvanhu vatema. Varungu vasara vashomane mumusha weGlendale.

Vana muzvinabhizinisi vechitema vari muGlendale vanosanganisira: Daniel Chinyemba weGlendale General Engineering and Marketing (Pvt) Ltd ne Blue Fountain Holdings (Pvt) Ltd.

Mamana ari muGlendale[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Mamana ari muGlendale anosanganisira Valley Low Density, Tsungubvi Township, Sisk, Rujeko, Highway, Westville neEastview residential suburbs.