Varungu

From Wikipedia
Jump to navigation Jump to search
Royal Wedding Stockholm 2010-Konserthuset-384.jpg

Izwi rokuti Varungu, vazungu, makiwa kana Varumbi (Whiteman, European, Caucasian) rinoshandiswa kududza munhu ane ganda jena anobva kunyika dziri kuEurope kana ane madzitateguru akabva kudunhu iri. Varungu vanowanikwawo kuRussia inova nyika ine chimwe chikamu chiri muAsia chimwe muEurope.


Rudzi rweVarungu rwakapambira Pasirose munguva yokupamba kwavakaita Africa, North America, South America, Australia neNew Zealand.

Mutauro wekuEngland unonzi English, asi isu toti Chingezi. Shoko rokuti chingezi rinotaurawo pamusoro petsika dzeMangezi, nokumwe kutaura tori Chirungu kana Chirumbi.

Zvirevo[chinja | edit source]

  • Chizungu manyoka haatani kuserera. The Portuguese policy is like (painful) bowels which quickly cool down.
  • Matione akaendisa Varungu kure. Curiosity made the Europeans travel far and wide.

Mitauro yeBantu[chinja | edit source]

  • Izwi rokuti irungu (loneliness, solititude) rinotaurwa mururimi rweKirundu. Zvichidza izwi iri rinotodzana nekuti Varungu?
  • VaSwahili vanoti kiwa (adj. of persons: - poor; solitary, abandoned, outcast; 2. of things: -solitary, isolated). Zvichidza izwi iri rinotodzana nekuti Makiwa?