Mupata

Kubva Wikipedia
Mupata

Muchidzidzo cheTaranyika, mupata (valley) ishoko rinoreva nzvimbo iri pakaderera inotevedza rwizi. Nzizi dzinoyerera dzichitevedza nhika saka idzo nhika idzi ndidzo dzinonzi mupata.

MuZimbabwe hova dzine mipata inotaurwa kunyanya dzinosanganisira: Zambezi Valley; Mazowe Valley; Save Valley neOdzi Valley. Izvi hazvirevi kuti dzimwe nzizi hadzifambe nemupata asi kuti vanhu vakapfumbidza mazita aya chete.

Mitauro yeBantu[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  • VaChewa vanoti mpata kana mipata (a valley). VaMambwe vanoti mpata (a pass in mountain range, a gorge, ravine) kureva mupata.
  • VaYao vanoti chapata (a gate or entrance ; a pass or road between mountains).
  • VaGungu vanoti kihanga (n. valley) kureva mupata. VaGungu vanoisa h pamwe patinoisa p kuChiShona. Sokuti kuliha vachireva kuripa.