Musha

From Wikipedia
Jump to navigation Jump to search

Musha (community; village; hamlet) zvinoreva nzvimbo yakavakwa inogarwa nevanhu. Musha zvinogona kureva nzvimbo ine dzimba dzinogara mhuri imwe. Izwi iri rinokwanisa kurevawo nzvimbo ine mhuri zhinji nedzimba zhinji. Sokuti tinotaura tichiti musha weKuwadzana - community of Kuwadzana.

Mitauro yeBantu[chinja | edit source]

  • Vatauri veYao vanoti musi (village) kureva musha.
  • Vatauri veYao vanoti msinda (large village) kureva musha mukuru.
  • VaLenje neVaTonga vanoti mushi kana mishi pakuwanda (village, town, hamlet) kureva musha.
  • Vatauri veChewa Nyungwe neGiryama vanoti mudzi (village) kureva musha.
  • Vatauri verurimi rweBaila vanoti chishi (community; commune - both the body of people and the locality) kureva musha. Pakuwanda vanoti shishi kana mashi.
  • VaSwahili vanoti kijiji (Small village, hamlet) kureva musha mudoko.
  • Vatauri veLuganda vanoti ekyaalo (village) kureva musha.
  • VaZigula vanoti kuishi (to live; to dwell; living) kureva kugara panhu. Sokuti Miye naishi karibu na Walmart - I live near Walmart.