Mwero wekutaura

Kubva Wikipedia
(runangakatsva kubva kuDoma)

Chinyorwa chino chiri kuunganidza mashoko anoreva kutaura nenzira dzakasiyana. Kutaura, kureketa, kuhwereketa.

B[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  • Bupira (talkative person).
  • Bvuche kana mabvuche, (Idle talk).
  • Kubvengedza kana kubvengedzera (become distraught or unbalanced in speaking - in regards to manner, not matter). Vamwe vanobvengedza kana vanwa hwahwa, asi vamwe mugariro.
  • Mubvotomoki kureva munhu anotaura asina kutanga afunga, kana munhu anotaura ari kuhope - uyo anonzi ari kubvotomoka zvikurusei kana ari kutaura zvisina maturo.
  • Mubvochi (one who guesses or speaks off the point) apa kureva munhu ari kutaura zvekufembera kana ari kutaura akatayika kubva panyaya iri mudariro.
  • Kubvuka (Guess. Foretell).

C[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  • Chikodoboro kana nhari?? (eloquent speaker).
  • Chinyeperano (Conversation) zvichireva chibhuyirano. Mamwe Mazwi: Kunyeperana.
  • Chinyeponyepo (Topic of conversation) zvichireva nhaurwa. Mamwe Mazwi: kunyepa.
  • Chizerenga zvinoreva kutaurirana kweboka diki revanhu vari vega vachirangana zvokuita- consultation of small number of people; conspiracy.
  • Chizengezano zvinoreva kupangana kuita zvinhu zvakaipa.
  • Chizangaziko (private discussion) - apa kureva nhaurwa iri kuchengetwa pakati pevanhu vashomane vari pachavo. Shoko iri rinoda kutodzana nerekuti chizangara.
  • Chote (ideo of Speaking inconsequentially). Zvichida ndipo panobva zita rokuti Machote?
  • Kuita zevezeve kana kuita nyewe-nyewe (whisper). Zvichida ndipo panobva zita rokuti Manyewe?

D[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  • dau kana madau (1. Amusing way of speaking, acting or dressing). Ana madau kwazvo: he is a comical. Zvichida ndipo panobva zita rokuti Chidau?
  • -dara (be clear, understandable - of speech) zvichireva kutaura zvakajeka zvinonzwisisika. Zvichida ndipo panobva zita rokuti Darare? Nhari (eloquent speaker).
  • Deketa (Talk to oneself about one's troubles) apa kureva munhu ari kutaura ega achitaura nhamo dzake.
  • Dekesha (Speak without stopping) kutaura munhu asingamire kutaura.
  • Doma (1. Call a list of names. 2. Speak relevantly). Doma mazita emaSabhuku: name the village headmen. Nzvimbo isingadomwi- a place whose name it is forbidden to mention. Wachidoma: you have hit the nail on the head.
  • Dongonyora, dodorodza, kudododza kana kudodomesa (1. Narrate in detail; 2. Explain fully; 3. Relate fully) Apa kureva kurondedzera kwakaperera kusina chinosara.
  • Dura (Confess, disclose, speak out, intepret). Dura chikomba chako.
  • Dzamata (become speechless through fear or excitement).
  • -dzamwara (Be casual, offhand, confused in speech). Pakubvunzwa zvemhosva akadzamwarika: when questioned about his case he gave confused and contradictory answers.
  • Kudekudza (1. Speak fluently. 2. Speak or act very fast) apa kureva kutaura mutauro uchigona kukasira uye nemazwia akajeka. Kune zita remhuri rinonzi Mutekedza.
  • Kudekura (Speak distinctly).
  • Kudokonya (Be very talkative) apa kureva kutaurisa kana kudonongosha.

E[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

G[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  • Gumba kana magumba (1. Slander; 2. Talebearing; 3. Harmful gossip; backbite; 4. ill reports) apa kureva makuhwa kana kunyeya. Kutaura gumba hakuna kururama kunoputsa hukama. Kutaura gumba.
  • Gani, makani kana nyaya (Talk, news, story).
  • Kugiya kana kuzuwa (speak boastfully).
  • Izwi rokuti zuwa (chat; be engaged in a friendly conversation) rinotaurwa kuKalanga.

H[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  • Hwenye, runyerekupe kana bveverere (rumour).
  • Kangaridza (Articulate distinctly. Vanhukadzi vanokangaridza mazwi kupinda vanhurume: women speak more distinctly than men.
  • Kuhwazha kana kubwazha (Talk loudly). Mukadzi akabirwa huni dzake anohwazha hwazha: a woman who has had her firewood stolen complains much and loudly. Rinohwazhira nhando: it makes a loud noise for nothing.
  • Kuhwazhama (Habitually grumble in a loud voice).

J[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

K[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

M[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  • Mhoi (1. Animated conversation; 2. Shrill quarrelling, 3. Chatter of birds or people). Charehwa ane mhoi.
  • Matsonzoro (Account - complete). Kutsonzora.

N[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

P[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  • Kupangana (to take counsel together, to talk over, plotting, scheming).

R[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

S[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  • Izwi rokuti shaya (petty talk) rinotaurwa kuKalanga kureva nhaurwa dzisina basa. Kushaya zvoreva kutaura zvisina basa panguva iyoyo.

T[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

V[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

W[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  • Kuwomoka (be wrong in speech) kukanganisa mukutaura.

Z[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  • Mazurukuze (One who gesticulates very much, especially when talking) apa kureva munhu anotaura achibva ashandisa mawoko kana muviri wose kusimbisa zvaari kutaura. Uku kunonzi kuzurukuza.
  • Kuzavaza (to speak at length and without allowing interruption).
  • Muzavazi (orator) apa kureva munhu ane hunyanzvi hwekutaura zvinokwezva nokubata pfungwa dzevanhu. A public speaker; one who delivers an oration; especially, one distinguished for his skill and power as a public speaker; one who is eloquent.
  • Zawaira

Kurerutsa Mutauro[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  • Dodorora dzinza rako: give your whole family tree.
  • Munhu angadodorodze zvaMwari here: can a man explain God?
  • Vakomana ava vanogara vachida kutaura ngezvekugumba vamwe: these boys always want to speak ill of others.
  • Hazvina kureruka kudekudza mukutaura rurimi rusiri rwaamai vako: it is not easy to speak fluently a language that is not your mother tongue.
  • Izwi rinoshoshoma seromunhu akararodekura usi ku hwose: a voice that is hoarse, like that of a person who has been straining his voice all night.
  • Unapo panopinda gonzo muswe uchimangwa. (You have a place where the rat goes through, but its tail sticks fast) - apa kureva kuti uri kutaura manyepo kana kuti pane zvauri kuvanza.
  • Ngatisunge dumba: let us discuss this privately.
  • Psalm 118:4 Avo vanotya Mambo Mwari, ngavaronze vachiti, Nyasha dzake dzinorudo dzinogara nokusingaperi.
  • Ronzai kune vakarurama, kuti zvinozovanakira, ngokuti vanozodya michero yezviito zvavo: Tell the righteous, that it shall be well with him: for they shall eat the fruit of their doings. (Isaiah 3:10, Bhaibheri reChiNdau).

Tsumo[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  • Vamwe ndivamwe, munajenga kutaura. Intimate friends are one; be careful when talking about them.
  • Muromo ishomodzi. A mouth is a messenger.
  • Muromo inhume. (nhume: messenger) The mouth is a messenger.

Mitauro yeAfrika[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  • Kalanga inoti zuwa (chat; be engaged in a friendly conversation). Nsenga vanoti kuwomba vachireva kutaura.
  • Kikongo inoti sungula (v. to talk about, mention, speak about, allude to, name, say, remark).
  • VaMambwe vanoti -zawaila (to be delirious, to rave - talk wildly as in delirium).
  • VaMambwe vanoti -zawaila (to talk nonsense) kureva kutaura sewataika pfungwa. Maore vanoti urongoa (v. say, speak).
  • Mambwe vanoti -weleketa (to talk noisily, all together, as crowd of men over a pot of beer) zvichireva kuhwereketa.
  • MaZulu vanoti leketha (v. 1. Nag at, scold. 2. Talk incessantly, talk scoldingly). Chopi vanoti kuwomba (v. to speak).
  • Ila inoti pabauka (to chatter, to babble) kureva kubhabhauka? Baila vanoti makani (n. affairs, talk) vachireva nhaurwa.
  • Edo inoti ta (to speak, to say, to tell) kureva kutaura. Venda inoti muta (n. family) vachireva mhuri.
  • Fwe inoti kuta (v. to say) kureva kutaura. Kutuk inoti ta (v. to say, to talk).
  • Nyakyusa inoti bwabwata (v. blab, talk nonsense) kureva kuwawata. Lenje inoti toshi (dung, excreta) - ko Kutaura Toshi?.