Guhwa

Kubva Wikipedia
(runangakatsva kubva kuBveverere)

Guhwa, hwenye, runyerekupe kana bveverere (rumour).

  • Runyerekupe, mah'ung'ah'ung'a (rumours) zvinoreva marehwarehwa anotaurwa pamusoro pechinhi kana munhu angave ane chokwadi kana asina. Apa chinoita kuti anzi runyerekupe kuti mwene wenyaya haasiye auya akabuda pachena achitaurira vanhu; vanhu vanenge vanzwa nemakuhwa.
  • Gumba kana magumba (1. Slander; 2. Talebearing; 3. Harmful gossip; backbite; 4. ill reports) apa kureva makuhwa kana kunyeya. Kutaura gumba hakuna kururama kunoputsa hukama. Kutaura gumba.
  • Chikuhwa (habit of back-biting).
  • Kunyeya (tell tales about; backbite).
  • Mbayo (evil-speaking, quarrelsomeness).

Tsumo[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  • Vaviri-vaviri wechitatu muzvinaguhwa. Two are two; a third party means gossip.
  • Pavaviri wechitatu muzvinaguhwa. There are two; three means gossip
  • Kureva Donga rimwe riripo rinonyumwa. Talking ill of a muTonga in the presence of another (muTonga) will make the latter (feel) uneasy.
  • Mweni haataurwi gumba. A stranger is not gossiped about.
  • Nyamakuhwa simidza nguo chenal agoonekwa mumhindo. Dress a gossip in white so that he (she) is visible even in darkness.

Mitauro yeBantu[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  • VaVenda vanoti zwiambo (n. gossip) vachireva guhwa. VaNyungwe vanoti -tapa (v. gossip, spread rumours).
  • VaChewa vanoti Kadzitape kana kazitape (tell-tale; tale-bearer) kureva munhu zimwaya anofarira kufambisa guhwa.
  • VaWanga vanoti amakhuwa (n. words; matters, affairs, news, business, information, things, difficulty, trouble, etc.).
  • VaBukusu vanoti kamakhu.a kana likhu.a (words, saying, matters, affairs, news, business, information, things, difficulty, etc). VaZigula vanoti kinyele (secretly) kuita muchivande.
  • VaGwere vanoti lugambo (n. gossip, rumour; unsubstantiated reports often involving the divulging of personal ) zvichida vanoreva makuhwa.
  • Lela vanoti hòngàhóngà (hearsay, gossip) kureva makuhwa kana mah'ung'ah'ung'a. Mamwe mazwi: hòngá (v. 1. hear, listen; 2. feel, sense) kureva kunzwa.