Chatemambara

Kubva Wikipedia

Chatemambara (meritocracy) izwi iri riri kushandiswa pachinyorwa chino kureva mutowo wematongero unotevedza zvinodiwa nevanhu vanova mbarevare dziri panzvimbo. Mazwi okuti mbara kana mbala (shrewd, smart, cunning intelligent people) anowanikwa kumitauro yeBantu achidudza vanhu vakadarika ruzhinji pakuchenjera, izvi zvichionekwa nemabasa anoonekwa avakaita munyika.

Kududzwa kweZita[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Izwi rokuti aristocracy rakabva kuGreek - iro rakaumbwa nezvikamu zviviri zvinoti: aristos kureva best, uye kratia kureva rule or strength. Saka kuChiShona chivakashure chikuti chatema- chiri kureva nzira yehutongi inopa simba kuboka rakarehwa - pano Chatemamwari huri hutongi hunotevedza mitemo yaMawri. Tarisai zviri pasi pandima iri zasi yemitauro yeBantu kuti pane dudziro yezwi rokuti tema.

Zvakakosha kuonesana kuti mashoko ari pano haako kuChiShona chemazuva ose, asi kuedza kuturikira mazwi anotaurwa kuEnglish.

Mamwe Mazwi[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Kurerutsa Mutauro[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Mitauro yeBantu[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  • VaNyungwe vanoti mtemo (n. law) kureva mutemo. VaZigula vanoti kutema (v. to rule, govern) kureva kutema.
  • VaGogo vanoti utemi (right to rule; chiefship) ikodzero yokutonga uye hutongi. VaGogo vanoti mtemi; watemi (leader, rule) kureva mutongi.
  • VaIkizu vanoti -tema (rule over, reign) kureva kutonga. VaKabwa vanoti omutemi (n. ruler; leader) kureva mutungamiri.
  • VaKwere vanoti mbala (clever, shrewd or cunning people/person) vanhu vakachenjera. VaChewa vanoti opala (courtier - one working at court).
  • VaZigula vanoti ubala (1. cleverness, 2. cunningness, 3. smartness, 4. smartness, 5. wisdom) kureva mbaravara.