Chatemabanze
Chatemabanze, chatemavabanze kana gutsaruzhinji (democracy in English) mazwi anoreva mutowo wekutonga kana kutema mitemo unotevedza zvido zveruzhinji rwevanhu: izvi zvichiitwa kubudikidza nekuvhotera vamiriri muchivande uye kusarudza nzira dzinodiwa neruzhinji rwevanhu panhau dzinenge dzaiswa mudariro. Kuita sarudzo dzevamiriri mudare reparamende chikamu chikuru pahutongi hweutemabanze. Asi chatemabanze hachiperere pakuita sarudzo; panofanirwa kuva nezvirongwa zvokugutsa ruzhinji kuchitevedza zvido zveruzhinji.
Kududzwa kweZita
[chinjirudza | chinjirudza mabviro]Izwi rokuti demoocracy rakabva kuGreek - iro rakaumbwa nezvikamu zviviri zvinoti: demo kureva ruzhinji rwevanhu kana banze, uye kratia kureva rule or strength. Saka pano chivakashure chinonzi chatema- chiri kureva nzira yehutongi inopa simba kuboka rakarehwa - sokuti chatemabanze hutongi hunotevedza mitemo yebanze.
Kurerutsa Mutauro
[chinjirudza | chinjirudza mabviro]- Mutemabanze, mutemavabanze (n. democrat).
- Banze (Meeting-place of men of a village or neighbourhood). Pakuwanda toti mabanze.
- Mubanze (resident of a neighbourhood; neighbour) muvakidzani ari pedyo zvekuti munogara pabanze rimwero.
- Munguva yaitongwa nevarungu muAfrika hurumende dzaisatevedza utemabanze pakutonga nyika nemhosva.
- Sarudzo dzekutanga dzeutemabanze dzakaitwa muZimbabwe mugore ra1980.
- Nyika dzine chitsama muAfrika dzine hutongi hwechatemabanze: a number of countries in Africa have democratic government.
Zvakakosha kuonesana kuti mashoko ari pano haako kuChiShona chemazuva ose, asi kuedza kuturikira mazwi anotaurwa kuEnglish.
Mamwe Mazwi
[chinjirudza | chinjirudza mabviro]- Mutemo (laws, rules) kureva murao unoshandiswa pakutonga nyika, boka revanhu, pabasa, kana nzvimbo.
- Chatemamwari (theoocracy) hutongi hunotevedza mutemo waMwari.
- Chatemanyanzvi (technocracy) hutongi hunotevedza mutemo wenyanzvi.
- Chatemagombwe (aristocracy) huri hutongi hunotevedza mutemo wegombwe kana makombwe.
- Chatemamhomho (mobocracy) hutongi hunotevedza mutes wemhomhosi.
- Chatemavabinyi (kleptocracy) hutongi hunotevedza mutemo wevabinyi kana mbavha.
Kurerutsa Mutauro
[chinjirudza | chinjirudza mabviro]- Mutemo wepano pamusha hakuna munhu anotenderwa kuputa mbanje.
- Mutemo wakatemwa naMwari unoti: usabe, usauraya; usachiva; usanamata zvifananidzo; usapombe zvichingodaro.
Mitauro yeBantu
[chinjirudza | chinjirudza mabviro]- VaNyungwe vanoti mtemo (n. law) kureva mutemo. Zigula vanoti kutema (v. rule, govern; control; reign) kureva kutema.
- VaGogo vanoti utemi (right to rule; chiefdom, chiefship) ikodzero yokutonga uye hutongi. Mamwe mazwi: mtemi kana watemi (leader, rule) kureva mutongi.
- VaIkizu vanoti -tema (rule over, reign) kureva kutonga. VaKabwa vanoti omutemi (n. ruler; leader) kureva mutungamiri.
- VaMakonde vanoti kutema (n. to conquer; win) kureva kukunda.