Chatemavabinyi

Kubva Wikipedia

Chatemavabinyi (kleptocracy) izwi iri riri kushandiswa pachinyorwa chino kureva mutowo wematongero unotevedza zvinodiwa nevabinyi kana mbavha dziri panzvimbo yehutongi. Saka uku kududza kuti nyika, nzanga kana sangano rinenge richitongwa neboka rembavha.

Kududzwa kweZita[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Izwi rokuti kleptocracy rakabva kuGreek - iro rakaumbwa nezvikamu zviviri zvinoti: klepto kureva mbavha, uye kratia kureva rule or strength. Saka kuChiShona chivakashure chinoti chatema- chiri kureva nzira yehutongi inopa simba kuboka rakarehwa - pano Chatemamwari huri hutongi hunotevedza mitemo yaMawri. Tarisai zviri pasi pandima iri zasi yemitauro yeBantu kuti pane dudziro yemazwi okuti tema.

Zvakakosha kuonesana kuti mashoko ari pano haako kuChiShona chemazuva ose, asi kuedza kuturikira mazwi anotaurwa kuEnglish.

Mamwe Mazwi[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Kurerutsa Mutauro[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Mitauro yeBantu[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  • VaNyungwe vanoti mtemo (n. law) kureva mutemo. VaZigula vanoti kutema (v. to rule, govern) kureva kutema.
  • VaGogo vanoti utemi (right to rule; chiefdom, chiefship) kureva kodzero yokutonga uye hutongi.
  • VaGogo vanoti mtemi kana watemi pakuwanda (leader, rule) kureva mutongi.
  • VaIkizu vanoti -tema (rule over, reign) kureva kutonga. VaKabwa vanoti omutemi (n. ruler; leader) kureva mutungamiri.