Zimbabwe
- Ona zve Great Zimbabwe National Monument.
- Kana uchitsvaga zvakawanda nezvokuvhota gore ra2008, ona nyaya iyi.
|
|
|||
| National motto: Unity, Freedom, Work | |||
![]() |
|||
Zimbabwe (madanirwo /zɪmˈbɑːbweɪ/), ichinzizve Republic of Zimbabwe, uye yakambozikanwa seSouthern Rhodesia, Republic of Rhodesia uyezve Zimbabwe Rhodesia, inyika iri kuchamhembe kweAfrica. Yakatenderedzwa nedzimwe nyika, zvichireva kuti haina nyanza kumapeto kwayo. Kumabvazuva kuneMozambique, kuchamhembe kune Chamhembe Africa, kumadokero kune Botswana, kumaodzanyemba kuneZambia. Mutauro wemahofisi Chirungu (English) asi ruzhinji rwevanhu munyika iyi rwunotaura ChiShona. ChiShona mutauro wevanhu vakagara munzvimbo iyi kubva makarekare. Rurimi rweSindebele rwunotaurwawo zvakare muZimbabwe nevanhu veMatabele. Ava vanhu vakasvikawo munzvimbo iyi apo veChiShona vanga vatodzika midzi. VeMatabele ava vaibvawo nechekuchamhembe uko vaitiza ishe wavo Shaka Zulu uyo aida kuvabvisa chirikumeso. Zvakare kuchamhembe kwenyika iyi kune rwizi rukuru rwunonzi Limpopo, ukuwo kumaodzanyemba kunezve rumwe rukuru runonzi rwizi Zambezi. Nzizi idzi ihuru kwazvo uye dzinodira mugungwa reIndian Ocean.
Kubvira makore 1250 kabanga kuzvika 1629, nzvimbo yavekuzikanwa seZimbabwe iyi yaitongwa nemadzimambo eMutapa (Mutapa Empire), vachizikanwazve sekuti Mwene Mutapa, Monomatapa kana kuti pachirungu Empire of Great Zimbabwe. Nzvimbo iyoyi yaive nemukurumbira chaizvo panyaya dzendarama(Goridhe), iro raifambiswa nevanhu vechiArab. Zvakadaro, vechiPutukezi (Portuguese) vakauya ndokuparadza urongwa ihwohwo nokukasira, zvikasiya Monomatapa iri panguva yaChimbetu chaiyo. Gore ra1834 veMatabele, ava vanga vakuzviti maNdebele, vakasvikawo munzvimbo iyoyi yamadzimambo Mutapa. Vakasvika nechekuchamhemhembe kwakadziva kumadokero (South West) kwenzvimbo yamadzimambo Mutapa. Tambo taura pamusoro kuti vanhu ava vakange vari kutiza kubva kunamambo wavowo Shaka ainge arikudya marasha chamhembe ikoko. VechiNdebele ava vaitungamirwawo namambo wavoLobengula. Nzvimbo yavakagara iyi yaizozikanwa seMatabeleland munguva yaizotevera kusanginisira zvino uno.
Nyika yeZimbabwe yakawana kuzvitonga mugore ra1980, apo bato reZanu-PF raRobert Gabriel Mugabe rakavhoterwa neruzhinji rwevanhu. Mureza weBritain wakadzikiswa musi wa18 April 1980, mureza weZimbabwe ukasimudzwa.
