Harare
Harare ndiro guta guru reZimbabwe. Guta reHarare riri pamuyeramwaka 17°51′50″S uye pamuyeranhambo 31°1′47″E.
[chinja] Nhoroondo yeHarare
Boka remawuto rainzi Pioneer Column, vaishandira Cecil Rhodes ndivo vakavaka guta reHarare kutanga 12 September 1890. Vakapa guta iri zita rokuti Fort Salisbury, iri ranga riri zita raPrime Minister weBritain panguva iyoyo. Zita reguta rakazopfumbira richinzi Salisbury. Musha uwu wakaitwa "municipality mugore ra 1897 ukazogadzwa kuva guta mugore ra1935.
Salisbury ndiyo yakava guta guru remubatanidzwa weRhodesia neNyasaland (Federation) kubva pagore 1953 kusvika 1963. Zvichizoenda mberi rakanga rava guta guru reSouthern Rhodesia. Hurumemde yaIan Smith yakasarudza kuzvitonga ichibva pasi peUnited Kingdom musi waNovember 11, 1965 ikabva yapa nyika zita rokuti Rhodesia muna 1970. Nyika yakazonzi Zimbabwe-Rhodesia kwenguva diki muna 1979-1980. Musi wa 18 April 1980 Zimbabwe yakawana kuzvitonga ichitongwa nevatema vaitungamirwa naRobert Gabriel Mugabe. Asi guta rakaramba richinzi Salisbury kusvika muna 1982.
Zita reguta rashandurwa rikanzi Harare musi wa 18 April 1982 pamhemberero dzechipiri dzekuzvitonga kweVatema muZimbabwe. Zita iri ndiro zita raShe wenzvimbo yakavakirwa guta ainzi Neharawa. Vamwe vanoti Ishe uyu aive nezita rokurumbidzwa rokuti "Haarari"; Varungu vangatadza kutaura zita iri vachiti Harari. Kunonzi Ishe waiva akachenjera panyaya dzehondo zvokuti hakuna muvengi aimunyangira akamukunda - saka akapiwa zita rokuti "Haarari". Neharawa aiva neNharire yake pavakunzi paHarare Kpje mazuvano. Munguva yokunge nyika isati yasununguka musha weMbare ndiwo waidanwa kunzi Harare.