Rwizi Zambezi

From Wikipedia
Jump to: navigation, search
Rwizi Zambezi

Zambezi river rwizi runoyerera kubva kuZambia, rwopinda muAngola, rwuchizotevedza muganhu weNamibia, Zambia, Zimbabwe neBotswana, pedzezvo rwopinda kuMozambique uko rinonodira mugungwa reIndian Ocean.

Kuno kuChamhembe kweAfrica, Zambezi ndirwo rwizi rukuru rwakareba 3,540km. parwizi urwu ndipo panowanikwa mapopoma anonzi Victoria Falls ari pamuganhu panosangana Zimbabwe, Zambia, Namibia neBotswana. Mamwe mapopoma ari parwizi Zamabezi anosanganisira: Chavuma Falls iri pamuganhu weAngola neZambia; Ngonye Falls neSioma Falls kuMadokero kweZambia.

Zambezi rine magwenya makuru emagetsi maviri ari paKariba Dam neCabora Bassa Dam. Pane rimwe gwenya diki paVictoria falls.

Rwizi Zambezi rune dzimwe nzvimbo dzine machiti - rapids.


Chisuvi cheMvura[chinja | edit source]

Chisuvi cheMvura zvinoreva nzvimbo yakakwirira yokuti kumativi ayo nzizi dzinoyerera dzichienda kwakasiyana.

Somuenzaniso muZimbabwe chisuvi chemvura chinotevedza nzvimbo dzakakwirira pakavakirwa maguta anoti: Harare; Chegutu; Kadoma; Kwekwe; Gweru neBulawayo.

Kune rimwe divi nzizi dzinoyerera dzichienda kuMaodzanyemba kunodira kuna rwizi Zambezi. Nzizi dzinoti: rwizi Mazowe; rwizi Munyati; rwizi Manyame dzinoyerera dzichinodira muna Zambezi.

Nekune rimwe divi dzinoyerera dzichienda mabvazuva dzichinodira muna Rwizi Runde naRwizi Save. Divi iri rine nzizi dzinoti: rwizi Tokwe; rwizi Chiredzi; rwizi Mutirikwe dzine mvura inonopinda kuMozambique ichinodira kugungwa reIndian Ocean.


Rwizi dzeAfrica
Rwizi Manyame | Rwizi Mazowe | Rwizi Munyati | Rwizi Nile | Rwizi Pungwe | Rwizi Save | Rwizi Zambezi