Rwizi

From Wikipedia
Jump to: navigation, search
Mzingwane-river-glassblock.jpg

Muchidzidzo cheTaranyika, rwizi (River in English) zvinoreva muronga unoyeredza mvura kubva kunzvimbo dzakakwirira kuenda kunzvimbo dzakaderera. Rwizi runogona kuva hombe kana diki; dzimwe nzizi dzinoyerera mitunhu yakareba dzichipinda munyika dzakawanda.


[chinja] Rwizi Nile

Rwizi Nile ndirwo rwakanyanya kureba Pasirose ruchiyerera nhambwe inoita 6,650km. Nile inopinda munyika dzinoti: Burundi; Rwanda; Democratic Republic of Congo; Tanzania; Kenya; Uganda; Ethiopia neEgypt.

[chinja] Rwizi Zambezi

Kuno kuChamhembe kweAfrica, Rwizi Zambezi ndirwo rwizi rukuru rwakareba 3,540km. parwizi urwu ndipo panowanikwa mapopoma anonzi Victoria Falls ari pamuganhu panosangana Zimbabwe, Zambia, Namibia neBotswana. Mamwe mapopoma ari parwizi Zamabezi anosanganisira: Chavuma Falls iri pamuganhu weAngola neZambia; Ngonye Falls neSioma Falls kuMadokero kweZambia.

Zambezi rine magwenya makuru emagetsi maviri ari paKariba Dam neCabora Bassa Dam. Pane rimwe gwenya diki paVictoria falls.


[chinja] Chisuvi cheMvura

Chisuvi cheMvura zvinoreva nzvimbo yakakwirira yokuti kumativi ayo nzizi dzinoyerera dzichienda kwakasiyana.

Somuenzaniso muZimbabwe chisuvi chemvura chinotevedza nzvimbo dzakakwirira pakavakirwa maguta anoti: Harare; Chegutu; Kadoma; Kwekwe; Gweru neBulawayo.

Kune rimwe divi nzizi dzinoyerera dzichienda kuMaodzanyemba kunodira kuna rwizi Zambezi. Nzizi dzinoti: Rwizi Mazowe; Rwizi Munyati; Rwizi Manyame dzinoyerera dzichinodira muna Zambezi.

Nekune rimwe divi dzinoyerera dzichienda mabvazuva dzichinodira muna Rwizi Runde naRwizi Save. Divi iri rine nzizi dzinoti: rwizi Tokwe; rwizi Chiredzi; rwizi Mutirikwe dzine mvura inonopinda kuMozambique ichinodira kugungwa reIndian Ocean.

Personal tools
Namespaces

Variants
Actions
Banguranyika
Maturuzi
Mimwe Mitauro