Rwizi

Kubva Wikipedia
Rwizi

Rwizi (river) rgwizi kana gwizi, muchidzidzo cheTarachisi zvinoreva muronga unoyeredza mvura kubva kunzvimbo dzakakwirira kuenda kunzvimbo dzakaderera. Rwizi runogona kuva hombe kana diki; dzimwe nzizi dzinoyerera mitunhu yakareba dzichipinda munyika dzakawanda.

Mamwe mazwi anotaura rwizi ndeaya: rukova (brook), rukorodzi (small stream), rukoto, mukomba.

Izwi rokuti rukoto tinokwanisa kurishandisa kuturikira inonzi tributary kuEnglish, kureva rwizi runodira mune rwumwe rukuru. Sokuti Rwizi Munyati rukoto kuna Rwizi Zambezi.

Machiti (rapids in English) zvinoreva mangondo kana mawere anodzika ari munzira yerwizi, pahumwe zviichinzi chiti. Mangondo aya anoitika pane matombo makukutu akachinjika panoerera nerwizi, asi zasi kune matombo anokukurwa zviri nyore.

Tsumo[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Rukova rune matombo kuItaly
  • Rukova rwizi, kuyambuka unokwinya nguo. Tsumo iyi inoreva kuti munhu anofanirwa kuzvininipisa kana achida kukunda nyangwe nepane icho chingataridzika sechidiki. Tsumo iyi inotiudzawo kuti vakare vaisiyanisa rwizi norukova; rwizi rwuri rukuru pane rukova.
  • Rwizi runozara nemadiro. Rivers only overflow because of their tributaries.
  • Rwizi runokura nezvikova. A river grows (depends) on tributaries.
  • Muromo hauzarirwi nerwizi.
  • Kamuhomba kadiki kanoyeredza. A small furrow can float away (a person)

Rwizi Nile[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

KuNorway, pamadirano a rwizi Glomma nerwizi Vorma.

Rwizi Nile ndirwo rwakanyanya kureba Pasirose ruchiyerera nhambwe inoita 6,650km. Nile inopinda munyika dzinoti: Burundi; Rwanda; Democratic Republic of Congo; Tanzania; Kenya; Uganda; Ethiopia neEgypt.

Rwizi Zambezi[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Kuno kuChamhembe kweAfrica, Rwizi Zambezi ndirwo rwizi rukuru rwakareba 3,540km. parwizi urwu ndipo panowanikwa mapopoma anonzi Victoria Falls ari pamuganhu panosangana Zimbabwe, Zambia, Namibia neBotswana. Mamwe mapopoma ari parwizi Zamabezi anosanganisira: Chavuma Falls iri pamuganhu weAngola neZambia; Ngonye Falls neSioma Falls kuMadokero kweZambia.

Zambezi rine magwenya makuru emagetsi maviri ari paKariba Dam neCabora Bassa Dam. Pane rimwe gwenya diki paVictoria falls.

Chisuvi cheMvura[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Chisuvi cheMvura zvinoreva nzvimbo yakakwirira yokuti kumativi ayo nzizi dzinoyerera dzichienda kwakasiyana.

Somuenzaniso muZimbabwe chisuvi chemvura chinotevedza nzvimbo dzakakwirira pakavakirwa maguta anoti: Harare; Chegutu; Kadoma; Kwekwe; Gweru neBulawayo.

Kune rimwe divi nzizi dzinoyerera dzichienda kuMaodzanyemba kunodira kuna rwizi Zambezi. Nzizi dzinoti: Rwizi Mazowe; Rwizi Munyati; Rwizi Manyame dzinoyerera dzichinodira muna Zambezi.

Nekune rimwe divi dzinoyerera dzichienda mabvazuva dzichinodira muna Rwizi Runde naRwizi Save. Divi iri rine nzizi dzinoti: rwizi Tokwe; rwizi Chiredzi; rwizi Mutirikwe dzine mvura inonopinda kuMozambique ichinodira kugungwa reIndian Ocean.

Mamwe Mazwi[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Mitauro yeAfrika[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  • VaFwe vanoti rwizyi (river) kureva rwizi. VaMambwe vanoti luzi (river, stream) vachireva rwizi.
  • VaLozi vanoti –welula (n. current in a river). Kimbundu vanoti ngîjí (n. brook, stream, rivulet).
  • VaWabo vanoti mwinji kana munji (n. river) vachireva rwizi. VaNyakyusa vanoti ulwisi (river) kureva rwizi.
  • VaTumbuka vanoti mronga (river) vachireva rwizi. Kinande vanoti emuteho (n.a river, at the source).
  • VaLenje vanoti kunselelo (downstream) vachireva zasi kwerwizi kwarunoyerera richienda.
  • Lenje inoti mukuku (Current, flow of a stream or river) kureva gukurudzi rerwizi.
  • VaChewa vanoti gwero kana magwero (a source, head or source of river), kureva panotangira rwizi.
  • VaKongo vanoti kukula (to flow along, to flow down, run down as water, trickle, pour down, drift, roll down).
  • VaTonga vanoti mulonga (river) kureva rwizi. Mamwe mazwi: bulonga (a river system). Nafaanra vanoti kotolo (n. bowl or dish made of clay).