Bindura guta

From Wikipedia
(Redirected from Bindura (guta))
Jump to: navigation, search

Guta reBindura (City of Bindura) ndiro guta guru redunhu reMashonaland Central. Guta iri riri nhambwe inokwana 90km kubva kuHarare. Bindura inzvimbo inozivikanwa nemigodhi inochera Gold, neNickel. Mugodhi irimo inosanganisira Trojan Mine, Freda Rebecca neRan Mine.

Bindura yakakomberedzwa nemapurazi anorima donje, chibage, uye anopfuya mombe.


Kupiwa kwezita[chinja | edit source]

Zita rokuti Bindura kupotsa kutaurwa kwevarungu vachitadza kutaura zita raIshe wenzvimbo iyi ainzi Chipindura. Nazvino mhuri yavana Chipundura ichiriko uye kune musha wemuBindura unonzi Chipindura.

Shoko rokuti bindura semanyorerwe arinoitwa rinoreva zvimwewo zvinotaurwa kana imbwa nzvari iri panguva yokutandwa nembwa hono.