Gore

Kubva Wikipedia

Gore (Chirungu: year) muchidzidzo cheSayinzi vanoti: Rinopasi rinodzunguruka richitevera boterekwa rakakomberedza zuva. Nguva inotorwa neRinopasi richipoterera zuva kamwe inonzi Gore.

Pakufamba kwegore nyika inopfuura mwaka yakasiyana-siyana inoonekwa: nokushanduka kwemamiriro ekunze; kureba kwenguva iri pakati pakubuda nokuvira kwezuva; chimiro chemiti nebundo; uye michero inowanikwa panzvimbo. Gore rine misi mazana matatu nemakumi matanhatu nemashanu kana riri makore nje. Kana rasvika gore remucharikwa (leap year) rine mazuva mazana matatu nemakumi matanhatu nematanhatu.

Gore sechikamu chinoshandisiwa kuera nguva[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Gore repaCalendar ndiyo nguva iri pakati pemisi miviri ine zita rimwechete paCalendar.

Hafu yegore inokwanisa kutanga January ichipera June kana kutanga July ichipera December.

Gore rinopimwa nedzimwe nzira dzakawanda.

Gore repaCalendar rinoda kuenderana nedendera rePasi parinopoterera zuva. Gore repaCalendar yaGregory (uye Calender yaJulian) rakareba mazuva 365 kana kuti 366 kana riri gore remucharikwa (Leap Year).

Mamwe Mazwi[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Shoko rokuti makei rinoshaniswazve kureva gore.

  • Makei anouya zvinoreva gore rinouya.
  • Makei akapera zvinoreva gore rakapera. Vamwe veChiManyika vanoti makanyi.
  • Makodya kana gore rakapinda kureva gore rakapera.
  • Nhaka (this year) apa kureva gore rino.
  • Munofanirwa kurima minda yenyu nhaka, Kati masafe nenzara gore rinouya.

Tsumo[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  • Gore harizi pakaza rimwe. The same year can never come again.
  • Gore nderino. There is only one year (like this one).
  • Gore musandu. Every year means a change.

Mitauro yeAfrika[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  • Nyungwe inoti gole kana magole pakuwanda (year) kureva gore. Bor inoti koro (year) kureva gore.
  • Chimele vanoti kole (n. Ring, bracelet, armlet) kureva rhingi.
  • VaDigo vanoti mwaka (season of the heavy rains) kureva nguva yekunaya kwakanyanya. VaLunda neVaZigula vanoti mwaka (year) kureva gore.
  • VaMaconde vanoti chaka kana vyaka (year) kureva gore. VaHaya neVaGanda kuUganda vanoti omwaaka kana omwaga (year) kureva gore.
  • VaYao neVaChewa vanoti chaka (year) kureva gore. VaYao vanoti namiyaka (this year).
  • VaFwe vanoti cirimo (year) kureva gore. VaLozi vanoti silimo (year) kureva gore.
  • Mang'anja vanoti makono (season; year; this year). Sokuti makono kwadza ntenda - zvichireva kuti gore rino kwauya chirwere.
  • Chakali inoti jowa goro (n. circle) kureva denderedzwa.