Gore

From Wikipedia
Jump to: navigation, search

Gore ndiyo nguva inotorwa nairo Pasi kuita dendera rimwe ichipoterera zuva iri muboterekwa rayo.

Pakufamba kwegore nyika inopfuura mwaka yakasiyana-siyana inoonekwa: nokushanduka kwemamiriro ekunze; nguva iri pakati pakubuda nokuvira kwezuva; chimiro chemiti nebundo; uye michero inowanikwa panzvimbo.

Gore sechikamu chinoshandisiwa kuera nguva [chinja]

Gore repaCalendar ndiyo nguva iri pakati pemisi miviri ine zita rimwechete paCalendar.

Hafu yegore inokwanisa kutanga January ichipera June kana kutanga July ichipera December.

Gore rinopimwa nedzimwe nzira dzakawanda.

Gore repaCalendar rinoda kuenderana nedendera rePasi parinopoterera zuva. Gore repaCalendar yaGregory (uye Calender yaJulian) rakareba mazuva 365 kana kuti 366 kana riri gore re"Leap Year".

Tsika [chinja]

Shoko rokuti makei rinoshaniswazve kureva gore. Makei anouya zvinoreva gore rinouya. Makei akapera zvinoreva gore rakapera.