ChiShona
From Wikipedia
ChiShona mutauro unobatanidza ndimi dzakawanda dzinotaurwa muZimbabwe, Botswana neMozambique. Mitauro inobatanidzwa ichinzi ChiShona inosanganisira: Karanga, Manyika, Zezuru, Korekore,Ndau,Budya nemimwewo.
Zvakadaro zvakafanira kuti tionesane kuti kune vamwe vatauri vasingafare kuti vanzi vari muboka remutauro weChiShona - ivava vanoona mitauro yavo semitauro yakazvimirira yoga isiri pasi peChiShona.