Dunhu reManicaland

Kubva Wikipedia
(runangakatsva kubva kuManicaland)
Mepu yeZimbabwe ine dunhu reManicaland riri rweruvara dzvuku

Dunhu reManicaland idunhu munyika yeZimbabwe.

Dunhu reManicaland rine nharaunda ye36,459 km2 nehugari hwemamirioni 1.57, sokubvira 2004.[1][2] Guta reMutare ndiro guta guru redunhu.

Nzvimbo[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Govaniso yedunhu reManicaland panguva yeSarudzo ya2008

Dunhu rakapoteredzwa nedunhu reMashonaland East kumaodzanyemba, nyika yeMozambique kumabvazuva, dunhu reMasvingo nedunhu reMidlands kumadokero. Guta guru redunhu, Mutare (hugari:184,205)[3], rinova iro 265km kubva kuHarare, inova guta guru yenyika yeZimbabwe neguta rakakurisisa munyika iyoyo, netara.[4]

Zvikwata[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Zvikwata zveManicaland

Manicaland yakagovaniswa kuita zvikwata zvinomwe:

Vanhu[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Vanhu veku Manicaland vanotaura chiShona asi zvikwata zvakasiyana siyana zvinoitawo mitauro-pazasi (sub-dialect) wawo wega. Somuenzaniso, chikwata Mutasa chinoshandisa mutauro pazasi wechiManyika. Kuchikwata Makoni, vanhu vanoshandisa mutauro-pazasi unonzi Maungwe. vanhu vazhinji vanotevera zvinamato zvechivanhu asi vanoteverawo ChiKristu. Vazhinji maKristu vanova vatendi ve Kereke yeMethodist, vamwe veKereke yeEngland (kereke Anglican) asi vamwewo maRoma. Vamwewo vanopinda makereke echipostori.

Zvikoro muManicaland[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Kazhinji muManicaland munova nechikoro mukati metaramunyongo ye5km. Kune zvikoro zvakawanda zvepuraimari nesekondari zvinowanikwa mudunhu iri. Govaniso yezvikoro inoratidzwa mutafura iri pazasi.

Chikwata Puraimari Sekondari
Buhera 140 55
Chimanimani 68 24
Chipinge 125 40
Makoni 170 60
Mutare 172 67
Mutasa 72 27
Nyanga 75 25
Sanganiso 822 298

[5]

Mabviro eruzivo[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  1. Surface Area of Manicaland District
  2. Estimated Population of Manicaland Province In 2004
  3. Estimated Population of Mutare In 2004
  4. Road Distance Between Harare And Mutare With Map
  5. Manicaland Regional Education Office, 2004.