Rwanda

Kubva Wikipedia
Repubulika y'u Rwanda
République du Rwanda
Republic of Rwanda
National motto: Ubumwe, Umurimo, Gukunda Igihugu

Rwanda kana sepachihofisi Rudhende rwe Rwanda inyika yakakomberedzwa nedzimwe yakatambarara kubva nechepakati kuenda kumabvazuva kwe Afurika uye iri kuzasi kwemuenzanisi nemadhigirii mashomane. Rwanda yakaganhurana neyika dzinoti: Vuganda, Tanzania, Vurundi ne Utemabanze we Rudhende rwe Vukongo. Rwanda iri muDunhu reNyanza Huru dze Afurika. Rwanda iri pakakwirira, murutaranyika rwayo munowanikwa makomo ari kumadokero nesavanna kumabvazuva; uye ine madziva mazhinji akapararira nenyika. Mwaka yeko inoenderana nesubtropical ichiwana mwaka miviri yekunaya kwemvura nemwaka yekuwoma miviri zvakare.

Vanhu vekuRwanda vanonzi Varwanda, uye munhu mumwechete anonzi Murwanda/Mrwanda.

Mitauro ye Chibantu[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  • VaGwere vanoti lwanda (n. stony, rocky land, very hard rock) - zvichida vanoreva rukangarahwe.
  • Sagara vanoti lwanda kana rwanda (n. river) kureva rwizi.

Utemabanze we Rudhende rweVuarabhu rweSaharawiSomarirandi

Mavuso anozivikanwa zvishoma

(Speini) Canary Islands / Ceuta / Melilla • (Putugaro) Madeira • (Furanzi) Mayotte / Réunion • (United Kingdom) Saint Helena / Ascension Island / Tristan da CunhaSahara ye Madokero

Zvisi ne Materitori ekunze