Varungu

From Wikipedia
(Redirected from Mukiwa)
Jump to navigation Jump to search
Varungu

Izwi rokuti Varungu, vazungu, makiwa kana Varumbi (Whiteman, European, Caucasian) rinoshandiswa kududza munhu ane ganda jena anobva kunyika dziri kuEurope kana ane madzitateguru akabva kudunhu iri. Varungu vanowanikwawo kuRussia inova nyika ine chimwe chikamu chiri muAsia chimwe muEurope.


Rudzi rweVarungu rwakapambira Pasirose munguva yokupamba kwavakaita Africa, North America, South America, Australia neNew Zealand.

Mutauro wekuEngland unonzi English, asi isu toti Chingezi. Shoko rokuti chingezi rinotaurawo pamusoro petsika dzeMangezi, nokumwe kutaura tori Chirungu kana Chirumbi.

Zvirevo[chinja | edit source]

  • Chizungu manyoka haatani kuserera. The Portuguese policy is like (painful) bowels which quickly cool down.
  • Matione akaendisa Varungu kure. Curiosity made the Europeans travel far and wide.

Mitauro yeBantu[chinja | edit source]

  • VaRundi vanoti irungu (loneliness, solititude) kureva kusurukirwa. VaNyoro vanoti irungu (uninhabited country, wilderness). VaTsonga vanoti n'walungu (n. North).
  • VaSwahili vanoti kiwa (adj. of persons: - poor; solitary, abandoned, outcast; 2. of things: -solitary, isolated). Mukiwa zvinoreva murungu.
  • Nyungwe vanoti mzungu (n. foreigner) kureva mupara. MaZulu vanoti isizungu (loneliness) kureva kusurukirwa. Umbundu vanoti vindele (n. European).
  • Barotse vanoti mukuwa (European) kureva mukiwa. Mamwe Mazwi: bukuwa (n. where the white people live) vachireva kunogara makiwa
  • Herero vanoti ovina vi'ovirumbu (things of the yellow ones - white people). Herero vanoti otyi-rumbu kana Katyirumbu (nickname for a white man).
  • MaZulu vanoti veteza (Speak in a foreign language; speak in a croaking voice) kureva kutaura mutauro wevatorwa. Kinande vanoti omutukuru kana omusungu (the White).